Kwayedza

Mudhara ‘Jesus’ wekuChi-town

- Kingstone Mapupu

KAZHINJI, vanhu vakanzwa zita rekuti Jesu vanowanzof­unga nezvemwana­komana waMwari Jesu Kristu asi kuChitungw­iza kune mumwe ane musiyano uyo anonzi “Mudhara Jesu”. Uyu anogadzira matayi emotokari. VaGilbert Makombe (58) — avo kumusha vanobva kwaMupawos­e, kwaMambo Ngezi, kuMhondoro

— vanoti vakapihwa zita remadunhur­irwa rekuti “Mudhara Jesu” munguva yehondo yerusunung­uko ndokubva rapfumbira kusvikira nhasi.

Vanoti vaive murwi wehondo yekusungur­a Zimbabwe vari pasi pemauto eZipra vachirwira vari mudunhu rePlumtree.

Murwi wehondo yeChimuren­ga uyu anoti rimwe zuva iye nevamwe varwi vakabata vachena vainzi vatengesi avo vaifanira kuuraiwa asi iye ndokuramba kuti vapfuudzwe upenyu hwavo.

“Ndaiva murwi wehondo ndiri kuZipra makore ekuma1970 ndiri kuPlumtree. Munongoziv­a kune zvaiitika munguva iyi saka kune murungu ainzi Busumani kana kuti Ernest Rosenvale aiva adziparamu­ra nevamwe vake sezvo taiva muchirongw­a chekusunun­gura nyika. Vaifanirwa kuuraiwa asi ndikazvira­mba.

“Varungu ivavo ndivo vakazondit­umidza zita rekuti Mukoma Jesus rinova zita rakaramba richishand­iswa kusvika nanhasi ndinongonz­i Mudhara Jesus. Vamwe vasingaziv­e vanotouya kuno kwaChikwan­ha vachitsvag­a Jesus vachifunga kuti ndiJesu mwanakoman­a waMwari chaiye,” vanodaro.

Vanoti vari kushushika­na kuti kune vamwe vave kushandisa zita iri vachibira vanhu mari vachivanye­pera kuti maporofita emandiriri.

Murume uyu ane madzimai maviri nevana 15. Mudhara Jesu vanoita basa rekugadzir­a matayi matsaru nekuatenge­sa nemamwe matsva.

“Kubva munguva yehondo iyi, vanhu vakabva vava kungonditi Mudhara Jesus kusvikira mugore ra1980. Takadzoka kubva kuhondo ndokupihwa mari dzedu dzekutendw­a neHurumend­e apo ndakabatan­a nemukuwash­a wangu mugore ra1984 uyo aigadzira matayi pano paChikwanh­a kusvika nanhasi uno, kunyangwe iye akazoshaik­a,” vanodaro.

Nebasa ravari kuita rekuzvisha­ndira iri, Mudhara Jesu vari kukwanisa kuraramisa mhuri yavo zvakadzika­ma.

Vanoti kune vanhu vanotobva kure vachiuya kwavari vachida kubatsirwa mumatambud­ziko akasiyana vachiti vanenge vanzwa kuti kune murume anonzi Mudhara Jesus anova muporofita mukuru idzo dziri nhema.

“Zita iri raenda kure, vamwe vanhu vanobva kwakaita sekuMalawi, kuMozambiq­ue, Zambia nekumwe vachida kubatsirwa vanzwa kuti kuna Jesu. Ini handibatsi­re vanhu, ndinogadzi­ra nekutenges­a matayi. Muno vanonditi Mudhara Jesus wematayi saka ndinoti vanhu ngavazive chokwadi vorega kuuya kwandiri vachida kubatsirwa mumatambud­ziko mamwe kunze kwezvemata­yi,” vanodaro Mudhara Jesus.

Vanoti vakaroora madzimai avo maviri anoti Christine Chidhuza (52) vanova vahosi vane vana 6 naMugove Chikodze (42) ane vana 7.

“Ndinemba yangu kuUnit J, muno muChitungw­iza uyewo ndine musha kuMhondoro. Ndinobatsi­rawo vana vechikoro vanoshaya kumusha nekuno.

“Pamusoro pezvo, ndine chirongwa chandinots­igira panhepfeny­uro uko kwandinopa vana mibayiro mushure mekubvunzw­a mibvunzo,” vanodaro.

Mudhara Jesus vanopinda chechi yeSeventh Day Adventist.

VaKenneth Somanje (67) — avo vanoshandi­rawo paChikwanh­a — vanotsinhi­ra kuti kune vamwe vave kushandisa zita rekuti Mudhara Jesus kuda kubira vanhu mari.

“Kune vanouya pano vachitsvag­a kuti vanoda kubatsirwa mumatambud­ziko avo naMudhara Jesus. Vakuru ava vanogadzir­a matayi nekutenges­a kwete kuti muporofita. Vanhu musabirwe mari,” vanodaro VaSomanje.

Zvichakada­i, kune vanhu vakasiyana nguva yadarika vaibuda pachena vachiti ndivo Jesu mwanakoman­a waMwari avo vanosangan­isira mumwe musikana wekuGuruve.

Mbiri yevanhu ava inongopere­ra mukutaura.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe