Kwayedza

‘Haatenge nyama Jan-Dec’

- Courtney Munodawafa

MUMWE mudzimai ari kugunun’una achiti murume wake haatenge nyama kubva munaNdira kusvika Zvita izvo zvave kuita kuti mwana wake asazive chinonzi nyama.

Barbra Nyamutenha akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Max Goreke achikumbir­a gwaro redzivirir­o.

Nyamutenha anoti kubvira achitanga kugara naGoreke muna2017 haana chaakambot­engerwa.

Mutongi Gladys Moyo akapa Nyamutenha gwaro rinomudziv­irira.

“Kubvira 2017, baba ava havana chavakambo­nditengera, kana hembe zvayo. Waiti ukavati tengai preparatio­n yemwana kana chii zvacho, vaindirova. Mukadzi weshamwari yavo chaiye aiuya achindirov­a achinditi sei vari kuonda,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Havatenge nyama kumba kubva January kusvika December, mwana haatoziva kuti nyama inonaka zvakadii. Havachadye chikafu kumba nekuti ndakavaend­esa kumendenen­zi."

Nyamutenha anoti akavaka imba nemurume wake asi ari kuramba kuti ashandise imba iyoyo zvakasunun­guka.

“Takavaka imba kumusha asi vanonditi buda pano hapana chauinacho. Havadi kutenga kana midziyo apa iye zvino vakatora magwaro emba yangu yekuGlen View. Vakatora midziyo yose nemasolar, izvozvi ndiri kutochinji­ra mwana murima,” anodaro Nyamutenha.

Goreke anoudza dare kuti mudzimai wake anoparadza midziyo.

“Iye anoti pose patanetsan­a kubvira 2017 anotora midziyo achipwanya, akambotema TV. Akaramba kuti mukoma vangu vafanogara kumba kwekanguva kadiki vachitsvag­a imba, akabva arongedza bhegi rake achiti anoda kuenda kwevaberek­i vake nekuti haagare pakawandwa,” anodaro.

Goreke anotizve mwana wake anomucheng­eta zvakanaka.

“Kungotaura­wo hake asi ndinotomup­a kadhi rekubhengi kuti atenge zvinhu. Akambopa mukoma wangu hupfu 10kg yaainge atenga mushopu, pavakaedza kumudzoser­a vakauya ne10kg yehupfu yekupima akairamba achida hwemuchito­ro. Anoramba zvakare kuenda kumusha,” anodaro.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe