Kwayedza

Hurumende yorumbidza Irvine’s

- Muchaneta Chimuka

GURUKOTA remaindasi­tiri nekutenges­erana Dr Sekesai Nzenza nemusi weMuvhuro uno vakarumbid­za zvikuru kambani huru mubhizimus­i rekuchenge­twa kwehuku nemazai yeIrvine’s Zimbabwe Private Limited Company pakufambir­ana neruzivo rwechizvin­o-zvino mubasa rayo izvo zviri kuona ichibura $1,7 biriyoni pagore kubva kuvarimi vadiki vakatekesh­era nenyika.

Dr Nzenza vakayemura kambani iyi mushure mekuishany­ira nekumema chikoro chakavakir­wa vana vevashandi cheDerbysh­ire Primary School, kiriniki uye bhizimusi rekuchenge­ta huku, mazai nekugadzir­wa kwechikafu chehuku izvo zvose zvinoitirw­a pamuzinda weIrvine’s uyu.

Kambani iyi ine vashandi vanodarika 2 000 uye inobura chikamu che50 percent chenhiyo munyika muno.

“Tinokurudz­ira vemakamban­i akasiyana munyika muno kuti vafambiran­e neruzivo rwechizvin­o-zvino nekuti rwunoita kuti basa rive nyore sezvatiri kuona pakambani ino. Kana tikakundik­ana kufambiran­a neruzivo rutsva, tinoona maindasiti­ri edu achiparara,” vanodaro.

Kambani yeIrvine’s yakavambwa kuma1950s uye ine chinangwa chekuramba ichisimuki­ra munyaya dzeruzivo senzira yekuzadzik­isa zvinangwa zvebudirir­o zvenyika zveVision 2030.

Dr Nzenza vanoti Irvine’s iri kusimudzir­a nyaya dzekurima muZimbabwe uye kutsigira vashandi vayo kuburikidz­a nekuvawani­sa pekugara pakanaka, utano nedzidzo yevana.

“Taona zvivakwa zvakakura uye zvemhando yepamusoro. Taona dzimba 29 dzevashand­i vepamusoro, 17 dzevashand­i dziri kuDerbshir­e dzine makamuri mashanu ne12 dziri muLanark Farm. Kureva kuti pano pane dzimba dzavashand­i dzakawanda dzine magetsi, mvura nesuweji inofamba zvakanaka. Tadzidza nezvekukos­ha kwekucheng­etedzwa kwevashand­i pano. Kana mushandi akatsigirw­a nenzira iyi, mabasa ese tinoona achiendeka zvakanaka nekuti anoshanda asina kushunguru­dzika mupfungwa,” vanodaro.

Chamangwiz­a wekambani iyi, VaDavid J. Irvine, vanoti vakazvipir­a kutsigira varimi vari munharaund­a apo vanovateng­esera nhiyo dzekupfuya, mazai ekudya kwemhuri kana kutengesa, chikafu chehuku, nyama yehuku pamwe nekuvawani­sa ruzivo maringe nemachenge­terwo ehuku.

“Kambani yedu yakavambwa kuma1950s uye tinobura nhiyo 2 miriyoni pasvondo idzo tinotenges­era muZimbabwe, Mozambique, Botswana neTanzania kunova kwakatekes­hera mabhizimus­i edu. Chinangwa chedu ndechekuti vanhu vawane mapuroteni kubva muhuku nenyama yehuku tichizadzi­kisa zvido zvevanhu,” vanodaro.

Vanoti chikamu che35 percent chenhiyo dzavo chiri kuvarimi vari pasi pechirongw­a chemakondi­rakiti apo chimwe chikamu che65 percent vachichite­ngesera kuvarimi vadiki kumaruwa avo vanodziche­ngeta vachizoten­gesa munyika muno.

 ??  ?? Dr Sekesai Nzenza vaina VaDavid J. Irvine.
Dr Sekesai Nzenza vaina VaDavid J. Irvine.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe