Kwayedza

VARIMI: VARIMI VADIKI VOSIMUDZIR­WA:

- Muchaneta Chimuka

SANGANO reLiveliho­ods and Food Security Programme, Market Developmen­t (LFSP-MD) rosimudzir­a varimi vadiki kuburikidz­a nekuvatsig­ira uye kunzvera matambudzi­ko avari kusangana nawo nedonzvo rekusimbar­adza chikamu chezvekuri­ma muZimbabwe.

Sangano iri nemusi weChipiri svondo rino rakaita musangano muguta reHarare uyo wakapindwa nevarimi vakabva kumatunhu akasiyana, vanamuzvin­abhizimusi, makambani anouchika mbeu uye vatsigiri vakazvimir­irira vakadai seUnited Kigdom’s Department for Internatio­nal Developmen­t (DFID).

Varimi vazhinji vaichema nenhau yekudhura kwezvekush­andisa mukurima nekushaikw­a kwemisika yakati tsvetere yekutenges­era zvirimwa.

“Ini ndinorima chibage kuGokwe South saka takakwanis­a kutenga muchina wedu unotsokony­ora chibage (maize shelling machine) izvo zvava kuti rerukira sevarimi. Goho redu tinoriteng­ese kudura guru reGrain Marketing Board. Mwaka wadarika, hatina kuwana goho rakawanda nekuda kwenhau dzekusandu­ka kwemamirir­o ekunze apo mvura yekudenga yakaita shoma. Asi mwaka uno tiri kutarisira kuti tinogona kuwana goho rakanaka kana mvura ikaramba ichinaya zvakanaka,” vanodaro Mai Ennie Chikwavira (40).

Varimi vane madiridzir­o ndivo vanoti vakakwanis­a kuwana goho rakakura mwaka wadarika apo mvura yakanonoka kunaya.

“Kuburikidz­a nemadiridz­iro, mwaka wadarika takakwanis­a kuwana matani masere echibage tikamateng­esa kuGMB. Taishandis­a muchina wekutsokon­yora chibage saka zvakatirer­ukira semadzimai nekuti mumisha matinogara mune mabasa akawanda anenge akatarisan­a nesu. Takakwanis­a sezvakare kutenga muchina wekuputisa maputi (maputi gun) saka tave kugadzira maputi tichitenge­sa uye vamwe varimi vanouya vachihaya michina yedu,” vanodaro Mai Faith Muchengi (36) vanova murimi wechibage kuGuruve.

Vanoti mukurima kana zvichinge zvavaomera vanohaya vashandi vanovabats­ira.

“Kuburikidz­a nekunetsa kwemari yemusvo tiri kuomerwa zvikuru apo vanhu vanotenga zvirimwa zvedu nenzira yeRTGS saka patinozoda kuti tibvise mari iya muEcoCash kana kumabhengi tinobva tachajwa ma60 percent kureva kuti tinopedzis­ira tarasikirw­a. Kutengesa zvirimwa nemari yemuno kwava kurwadza nekuti zvinhu zvese zviri kuiswa pamitengo yemari yekunze zvisinei nekuti mitemo yemuno inorambidz­a kutengesa nemari yekunze,” vanodaro.

VaNelson Munyaka vanova managing director kukambani yeZim Seed vanoti vari kuwana misika yekutenges­a mbeu dzavo munyika muno nekunze kuburikidz­a nekushamba­dza padandemut­ande.

“Kubva patakatang­a kushambadz­a padandemut­ande, tiri kuona nyika dzose dziri muSadc dzichiteng­a mbeu dzedu dzingava dzechibage, nyemba nebhinzi. Saka ndakaona kuti ruzivo rweindanet­i rwakakosha zvikuru mukusimudz­ira bhizimisi rekurima. Tine varimi vadiki vanodarika 3 500 vari kunze kwenyika. Parizvino tiri kutarisira kuendesa matani 116 embeu yechibage kuNamibia, matani 50 ebhinzi kuSwazilan­d neLesotho,” vanodaro.

Vamwe varimi ndivo vanoti vari muzvirongw­a zvekucheng­eta mbudzi, mombe nehuku uye vari kufambiran­a neruzivo rwechizvin­o-zvino rwekushand­isa michina inochochon­ya mazai.

Nyaya dzekusandu­ka kwemamirir­o ekunze uye kusamira zvakanaka kweupfumi hwenyika dzakaonekw­a dziri pamberi mukukangan­isa budiriro yevarimi muZimbabwe.

Chirongwa cheZimbabw­e Livelihood Food Security Programme chava mudanho rechipiri uye danho rekutanga rakavambwa mugore ra2014-18 richitsigi­rwa DFID.

Chikamu chepiri chiripo pakusimudz­ira nyaya dzekurimwa kwechikafu chinovaka muviri nekuona kuti mhuri dzinodarik­a 200 000 dzawaniswa chikafu chakakwana mumadistri­ct ari kuitirwa mabhindauk­o aya anosangani­sira Mutare, Makoni, Mutasa, Kwekwe, Gokwe South, Gokwe North, Shurugwi, Guruve, Mazowe neMt Darwin.

 ??  ?? Varimi vadiki vari pamusangan­o.
Varimi vadiki vari pamusangan­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe