Kwayedza

Mugabe onyora bhuku

- Abel Ndooka

AIMBOVE mutambi wenhabvu weCAPS United - Joe “Kode” Mugabe — anoti ari pakati pekunyora bhuku renhoroond­o yehupenyu hwake uye anokurudzi­ra vatambi vazvino kuti vasatungam­idze mari mberi asi kuti vave nechido nemutambo uyu.

Kode mumwe wevatambi vakaita mukurumbir­a vachitambi­ra CAPS United izvo zvakamuona achihwina mubairo weClub Player of the Year kanokwana kana, uye mukombe wePremier Soccer League mugore ra1996.

Asi zvichiteve­ra kusendeka kwaakazoit­a shangu dzake dzenhabvu, Kode akangogara kanguva kadiki muno ndokubva aenda kuEngland uko kwaari nanhasi.

“Vanhu vakawanda vanoda kuziva kuti ndiri kuitei chaizvo muhupenyu hwangu kuno kuUK kwandiri, asi ngavamire mbichana nekuti ndiri kunyora bhuku rehupenyu hwangu iro richataura zvese zvandiri kuita,” anodaro.

Kunyangwe hazvo achiti ari pakati pekunyora bhuku rehupenyu hwake, Kode anoti anotevera zvikuru nhabvu yemuno achiti kukara mari kuri kukonzera vatambi vazhinji kuti vasasvike kure mumutambo uyu.

“Kana uchida kutamba nhabvu kwemakore akawanda unofanirwa kunge wakazvipir­a uchishanda nesimba uye uchiziva basa rako raunenge uchiita. Kazhinji ndipo panorasika vatambi vazhinji.

“Isu takatamba nhabvu panguva iyo taisawana mari, taitamba nhabvu nekuti taive nerudo nemutambo uyu. Asi vakomana vemazuvaan­o iye zvino vanongotsv­aga kuti ndekupi kwavangawa­ne mari yakawanda,” anodaro Kode.

Kunyangwe hake ave nemakore mazhinji ari kuUK, Kode anoti anotevera mafambiro anoita mitambo yeCastle Premiershi­p.

“Ndinotever­a zvikuru nhabvu yeCastle Premiershi­p, ndinoda chaizvo kunge ndichiona mitambo yakawanda asi sezvo ndiri kugara kuno hazvikwani­sike.

“Nhabvu iri kurakidza kuti iri kukura uye iri kufamba mugwara rakanaka. Vatambi vedu

vakawanda vari kuenda kunotambir­a kumaligi makuru akasiyana nekudaro izvi zvinotibat­sira kunyangwe kuchikwata chenyika,” anodaro.

Anoti iye nedzimwe shasha dzakambota­mba nhabvu kare dziri kuEngland vane chikwata chavo chinonzi CAPS Legends UK icho chinoita basa rekuungani­dza mari vachitenga zvekushand­isa zvenhabvu zvavanozot­umira

kumusha kumaAcadem­y akasiyana.

Muchinda uyu ari mune rimwe boka zvekare reTeam Zimbabwe Football UK iro rinobatsir­a zvizvarwa zvemuZimba­bwe zvinotamba nhabvu kuUK.

Kode — uyo akazvarwa mugore ra1968 — akatanga kutamba nhabvu achitevera matsimba ababa vake Joshua Mugabe avo vakambotam­bira zvikwata

zvinosanga­nisira BAT Ramblers Football Club.

“Ndichikura, ndaiona baba vangu vachitamba nhabvu saka nemukurumb­ira wawaiva nawo wakanditum­a kuti nditange kutambawo nhabvu.

“Saka ndakatanga kutamba nhabvu ndichiri mudiki ndikangoku­ra ndiri munhu wenhabvu kusvika nanhasi chaiye,” anodaro Kode.

 ??  ?? JOE “Kode” Mugabe
JOE “Kode” Mugabe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe