Kwayedza

Ndicho chitadzo pasi nekudenga

-

SVONDO rino tine nyaya inorwadza zvikuru pamwe nekusuwisa, iri pamusoro peongororo yakaitwa nerimwe sangano rakazvimir­ira, iyo inoratidza kuti chikamu chevarume chinosvika makumi manomwe muzana (70 percent) vana vainzi ndevavo havazi vavo.

Sangano reGlobal DNA Zimbabwe rinoti ongororo iyi yakaitwa muna2018.

Ongororo iyi yakaitwa nekuda kwezvikonz­ero zvinosanga­nisira kuti murume anenge achida kuziva kuti mwana ndewake here zvechokwad­i sezvo vamwe vacho vanenge vachibhadh­ariswa mendenenzi yekuchenge­ta vana ava.

Vamwewo ndivo vanenge vachingoda kuziva mamiriro ezvinhu nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a.

Sangano iri rinoti ongororo yarakaita zvakare muna2019 inoratidza­zve kuti chikamu chevarume chinosvika 63 percent chiri kuchengete­swa vana vasiri vavo.

Aya mashoko anorovesa hana zvikuru, kunyanya kuvanhu vechirume sezvo achiunza mafungiro akawanda.

Dzimwe nguva ongororo yakadai inogona kuitwa mwana achiri mudiki kana kuti ayaruka apo anenge achifunga kuti baba vari kumuchenge­ta ndivo vake chaivo nepo handivo.

Kune vamwe vanogona kudzidzisa vana kusvika kuyunivhes­iti chaiko uye nekuvatore­sa makosi akasiyana asi zvozobuda nekufamba kwenguva kuti mwana wacho haazi wake.

Ipapo manje!

Panogona zvakare kunge pave nehukama hwakasimba pakati pababa nemwana nekudaro hazvisi nyore kuzvigamuc­hira mushure meongororo yeDNA kana murume akaudzwa kuti mwana haazi wake.

Nyaya dzerudzi urwu dzine makuva uye dzinokonze­ra bongozozo. Tinotenda kuti sangano reGlobal DNA Zimbabwe rinoti rine chikamu chinobatsi­ra kuyananisa vanhu pamwe nekuvadzik­amisa hana mushure meongororo nekuti iyi haizi nyaya yekuita dambe nayo.

Munguva pfupi yadarika, pane nyaya yakabuda yemurume anoshandir­a kuCanada uyo aida kutora mudzimai wake nevana kuti aende navo kunyika iyi.

Murume uyu anonzi akaudzwa nemahofisi anomirira Canada kuti kana achida kutora vana nemukadzi wake, panofanirw­a kutanga paitwa ongororo yeDNA kuti zvigoonekw­a kana vana ava vari vake zvechokwad­i.

Ongororo yakaitwa yakazorati­dza kuti vana vose vari vatatu vakange vasiri vake.

Pakadai apa panoda kuti munhu azvibate uye Mwari vapindire nekuti handi nyore kugamuchir­a mamiriro ezvinhu akadai.

Kune vamwe vanogona kusvika pakutora upenyu hwavo kana zvinhu zvikaita manyama amire nerongo sezvizvi.

Hongu, kubvira kare vakuru vanoti gombarume harina mwana asi nekuda kweruzivo rwavako mazuva ano, rwekuongor­orwa kuburikidz­a neDNA, vanhu vazhinji vave nemafungir­o matsva.

Nyaya dzerudzi urwu dzinoratid­za kuti zvakakosha kuti kana vanhu vari muwanano vave vakavimbik­a vose murume nemudzimai.

Zvinokanga­nisa upenyu hwemwana kana akazoziva kuti baba vaaiti ndevake havazi vake.

Kana vanhu vachinge vashaya mbereko, zviri nani kugara vasina pane kuti mumwe anobiridzi­ra kunze.

Ichi chitadzo pasi nekudenga!

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe