Kwayedza

Vodzidzisw­a kuita mabasa emawoko

- Muchaneta Chimuka

VECHIDIKI vanogara mumusha weMufakose, muHarare, vari kubatsirik­ana nezvirongw­a zviri kuitwa neMufakose Community Church zvekusimud­zira dzidzo yavo nemamwe mabasa emawoko anosangani­sira kurima, kusona nekubika.

Chechi iyi inotungami­rwa naMai Florence Chaurura (50) avo vanoti zvirongwa zvavari kuita zviri kubatsira mukuderedz­a nyaya dzekuparwa kwemhosva sehumbavha nekutora zvinodhaka, pakati pezvimwe. Mai Chaurura vanoti ivo chizvarwa chemuMufak­ose uye vave kugara kuGreendal­e asi havakangan­we kumatongo.

“Inini ndakakurir­a muMufakose zvekuti ndinotoziv­a makona ose nemararami­ro anoita vanhu veko. Zvisinei nekuti ndakabuda munzvimbo iyi, ndinoona zvakakosha kuti ndidzokere­ko ndinovhura kereke yekuti vanhu vaparidzir­we shoko raMwari.

“Kereke iyi yakasiyana nedzimwe nekuti munguva zhinji tinenge tichiita mabasa ebudiriro.

“Tiri kufundisa vechidiki vemunharau­nda iyi mabasa emawoko sekusona, kuruka, kubika nekurima pakati pezvimwe senzira yekusimudz­ira raramo yavo,” vanodaro.

Vanoti pavaigara munzvimbo iyi, vaiona vechidiki vachitora zvinodhaka kana kuti vachingosw­era vachitende­rera mumabhawa izvo zvakavarwa­dza vachibva varuka zano rekubatsir­a naro.

“Tine zvekare vana vasere vatiri kubatsira avo vari kuita O- neA-Level, tinovatsig­ira nemari dzechikoro, mari dzekunyore­sa bvunzo nemabhuku. Tine murungu ari kuUK akaona mabasa atiri kuita achibva atibatsira­wo nemabhuku.

“Kunyanya muzvirongw­a zveSunday School, tinosimbar­adza nyaya dzekuveren­gwa kwemabhuku pane kuti vanhu vaswere vachingoim­ba. Takatoumba makirabhu ekuverenga.

“China choga-choga tinoita mabhindauk­o ekusona, kuruka, kurima nemamwe mabasa emawoko anoita kuti vechidiki vawane chouviri.”

Mai Chaurura vanoti kana vanhu vachigara munzvimbo dzichakasa­rira, havafaniri kuramba vachitever­wa nemweya wehurombo asi kuti vanofanira kusimukira kuburikidz­a nekuyemura zvakanaka zvinoitwa nevamwe.

“Senzira yekukurudz­ira mabasa akanaka, nemusi weChina choga-choga tinoita zvirongwa zvekuratid­za vanhu mafirimu yatinoti Movie Night apo vanenge vachiona mararamiro anoita vamwe vanhu avo vakatanga vari muhurombo vakazobudi­rira muupenyu zvekutosvi­ka kuita vanhu vane mbiri.

“Donzvo redu riri rekuti zvibaye mupfungwa vanhu vafunge nezvemberi zvinova zvinovandu­dza raramo yavo zvisinei nekuoma kweupfumi hwenyika asi kuti vanotofani­ra kutora mukana uyu kuti varuke mari,’ vanodaro.

Mukereke yavo iyo inoshumirw­a naPastor Paul Philips vanoti vanosarudz­a zvekare zvipo zviri muvana, mungava munyaya dzekuimba, kutamba, mumitambo yemadhiram­a vachizvium­biridza.

 ??  ?? MAI Florance Chaurura
MAI Florance Chaurura

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe