Kwayedza

Coronaviru­s chimbori chii chaizvo?

- Muchaneta Chimuka

SANGANO reWorld Health Organisati­on (WHO) rinoti utachiona hweCoronav­irus hunotanga apo munhu anonzwa kunge ari kupindwa nechando asi zvichizowe­dzera uye achinzwa kuzarirwa.

Utachiona uhwu hunotapuri­ranwa zvakanyany­a uye hakuna mushonga wati wavapo unokwanisa kurapa Coronaviru­s.

Asi pari zvino kune mimwe mishonga iri kushandisw­a ichionekwa ichishanda zvikuru kuChina yakaita semaAnti-Retroviral (ARV) neKaletra.

Nyanzvi dzesainzi dziri mushishi kuita tsvakurudz­o yemishonga inorapa chirwere ichi.

Pari zvino vanhu vanodarika 2 000 varasikirw­a neupenyu nekuda kweCOVID-19 Virus kuChina uye vamwe vanodarika 14 376 vanonzi vakaburits­wa muchipatar­a mushure mekuratidz­a kupora kunyika iyi zvisinei nekuti kune dzimwe nyaya dzinodarik­a 14 000 dzechirwer­e ichi itsva dziri kunyuka.

Zvichakada­i, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana muZimbabwe, Dr Obadiah Moyo, vanoti pachipatar­a cheWilkins Infectious Disease Hospital chiri muHarare pane varapi vanosvika 70, madhokoter­a 17 uye manesi 19 nevashandi vemurabhor­itari vatanhatu uye vatsigiri vevarapi vaviri kuchizoti vanoona nezveutano hwenharaun­da avo vari kudzidzisa varapi maringe negadzirir­o yechirwere ichi kana chichizeng­e chanyuka munyika muno.

Kutanga kwesvondo rino, pakava nefungidzi­ro yechirwere ichi kune mumwe mudzimai wemuno ane makore 27 okuberekwa uyo ainzi akabva Wuhan, kuChina akapfuura nekuGuangz­hou, izvo zvakaita kuti amboiswa panzvimbo isina veruzhinji pachipatar­a cheWilkins zvisinei nekuti akaongoror­wa akazoonekw­a asina Coronaviru­s.

Coronaviru­s chii?

Utachiona hunowanikw­a mumupanda wemaZoonos­es kureva kuti hunobata dzimwe mhando dzemhuka, hunotapuri­ranwa kubva kumhuka huchienda kune imwe.

Nyanzvi dzinoona nezveutano kuChina dzinoti nyaya dzeutachio­na uhwu dzakatanga kupera kwemwedzi waZvita 2019 uye vanhu vazhinji vaive nahwo vaiti vakanga vadya chikafu chemugungw­a (sea-food) nenyama dzemhuka idzo dzaitenges­wa mumisika yekuWuhan City.

Zviratidzo zveCoronav­irus:

Mabayo, kukosora kwakanyany­a, kupindwa nechando, kurwadziwa muchipfuva, kuita manyoka uye kupererwa nemweya wekufema.

Zviratidzo izvi zvinogona kunyanyira kuvana vadiki nevakwegur­a sezvo miviri yavo isingakwan­isi kurwisa zvirwere nenzira yakasimba.

Zvekuita kudzivirir­a Coronaviru­s:

Vhara muromo wako panguva yekukosora kana kuhotsira.

Geza maoko ako nesipo uye mvura yakachena inomhanya sezvamunoi­ta pakurwisa cholera kana typhoid.

Vanenge vabatwa neutachion­a uhwu vanoiswa muIntensiv­e Care Unit kuti vabatsirik­ane uye kupihwa mishonga senzira yekuchenge­tedza upenyu zvisinei nekuti hakusati kwava nemushonga chaiwo unochipedz­a.

Zimbabwe iri panyatwa here?

Bazi rezveutano rinoti kana utachiona uhwu hukapinda muZimbabwe, vakagadzir­ira kuhurwisa.

Kubvira svondo rapera, vanhu 70 vakapinda munyika muno vachibva kuWuhan vachiri kuongororw­a kune vane zviratidzo zviri pamusoro uye vacharamba vachiongor­orwa zvekare mushure memazuva 21 kunyangwe zvavo panguva iyi vanenge vasingaten­derwi kuti vasangane nevamwe (quarantine).

Vanokurudz­irwa kuti vazivise bazi rezveutano nezvekwava­nogara uye kuti vamhan’are kana pachinge paina zviratidzo zveutachio­na hweCoronav­irus.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe