Akarovera mudzimai mwana ari mudumbu
MURUME anogara mubhuku rekwaMukotsori, kwaMambo Mutambara, kuChimanimani akamiswa mudare redzimhosva reMutare Magistrate Court achipomerwa mhosva yekurikita mudzimai wake mushure mekunge vatadza kuwirirana nenyaya yekutenga nhumbi dzemwana asati azvarwa (preparation).
Hebert Magoma (41) anobvuma mhosva iyi paanomiswa pamberi pemutongi Tendai Mahwe.
Muchuchisi Godswish Dzivakwe anoudza dare kuti nomusi 21 Kurume gore rino, Cathrine Chibvure — uyo anova mudzimai waMagoma — akashanyira vamwene vake.
Paakadzoka kumba, Chibvure akasvikowana murume wake achidya marasha sezvo aisada kuti Chibvure ashanyire vamwene vake ava.
Izvi zvakaita kuti pamuke chimoto pakati pevaviri ava sezvo Magoma akanga oudza mukadzi wake kuti atakure zvinhu zvake zvose abve pamusha pavo.
Magoma anonzi akabva arova mukadzi wake nezvibhakera zvikazoita kuti akuvare zvakaipisisa. Achipawo divi rake mudare, Magoma anoti akaita izvi sezvo akanga achizvidzivirira kubva kumudzimai wake uyo aimurova.
“Mudzimai wangu akanga achida kuti ndimutengere ‘preparation’ yemwana sezvo akazvitakura. Izvi zvakaita kuti titadze kunzwanana kusvika pakurwisana kwatakazoita uku.
“Mudzimai wangu uyu, anova ndiye nyakumhan’ara ndiye akandirova nezvibhakera ndokundiruma mumusoro ndikaita vanga iri. Ndakatokuvara zvokutobuda ropa mukanwa nemumhuno nekundirova kwaakandiita uku.
“Apedza kuita izvi, akaenderera mberi nekundikakata sikarudzi yangu zvikaita kuti ndidonhe pasi, ndikafenda. Ndakazoti pembenu mushure mechinguva apo ndakanga ndati chakwata sezvo ndakadirwa mvura nemuzukuru wangu.
“Naizvozvo, kumurova kwandakazoita yaiva nzira yekuzvidzivirirawo,” anodaro Magoma.
Musi waakauya kudare, Magoma anoti akapfuura nepachipatara cheMutambara Mission Hospital achiona mudzimai wake sezvo achiri kurapwa.
Magoma haana kupihwa chirango chake sezvo dare rakamirira gwaro rinobva kuna chiremba rinoratidza hudzamu hwekukuvara kwakaita mudzimai wake.