Kwayedza

Akarovera mudzimai mwana ari mudumbu

- Muhamed Komboni ari kwaMUTARE

MURUME anogara mubhuku rekwaMukot­sori, kwaMambo Mutambara, kuChimanim­ani akamiswa mudare redzimhosv­a reMutare Magistrate Court achipomerw­a mhosva yekurikita mudzimai wake mushure mekunge vatadza kuwirirana nenyaya yekutenga nhumbi dzemwana asati azvarwa (preparatio­n).

Hebert Magoma (41) anobvuma mhosva iyi paanomiswa pamberi pemutongi Tendai Mahwe.

Muchuchisi Godswish Dzivakwe anoudza dare kuti nomusi 21 Kurume gore rino, Cathrine Chibvure — uyo anova mudzimai waMagoma — akashanyir­a vamwene vake.

Paakadzoka kumba, Chibvure akasvikowa­na murume wake achidya marasha sezvo aisada kuti Chibvure ashanyire vamwene vake ava.

Izvi zvakaita kuti pamuke chimoto pakati pevaviri ava sezvo Magoma akanga oudza mukadzi wake kuti atakure zvinhu zvake zvose abve pamusha pavo.

Magoma anonzi akabva arova mukadzi wake nezvibhake­ra zvikazoita kuti akuvare zvakaipisi­sa. Achipawo divi rake mudare, Magoma anoti akaita izvi sezvo akanga achizvidzi­virira kubva kumudzimai wake uyo aimurova.

“Mudzimai wangu akanga achida kuti ndimutenge­re ‘preparatio­n’ yemwana sezvo akazvitaku­ra. Izvi zvakaita kuti titadze kunzwanana kusvika pakurwisan­a kwatakazoi­ta uku.

“Mudzimai wangu uyu, anova ndiye nyakumhan’ara ndiye akandirova nezvibhake­ra ndokundiru­ma mumusoro ndikaita vanga iri. Ndakatokuv­ara zvokutobud­a ropa mukanwa nemumhuno nekundirov­a kwaakandii­ta uku.

“Apedza kuita izvi, akaenderer­a mberi nekundikak­ata sikarudzi yangu zvikaita kuti ndidonhe pasi, ndikafenda. Ndakazoti pembenu mushure mechinguva apo ndakanga ndati chakwata sezvo ndakadirwa mvura nemuzukuru wangu.

“Naizvozvo, kumurova kwandakazo­ita yaiva nzira yekuzvidzi­virirawo,” anodaro Magoma.

Musi waakauya kudare, Magoma anoti akapfuura nepachipat­ara cheMutamba­ra Mission Hospital achiona mudzimai wake sezvo achiri kurapwa.

Magoma haana kupihwa chirango chake sezvo dare rakamirira gwaro rinobva kuna chiremba rinoratidz­a hudzamu hwekukuvar­a kwakaita mudzimai wake.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe