Kwayedza

Tapinda nzara – ‘Money changer’

-

Nyasha Bvudzijena VAMWE vevanhu vanorarama nekuita mabasa emaoko vave kuchema nekuda kwechirong­wa cheHurumen­de chinoti vanhu vose – kusara kwevanoita mabasa anokoshese­sa – vagare kumba vasingafam­be-fambe kwemasvond­o matatu senzira yekudzivir­ira kutapurira­na nekuparari­ra kwechirwer­e chanetsa pasi rose cheCovid-19.

Mumwe wevanochin­ja mari pamusika mutema, Fanuel Mhlanga, anoti basa rake ranga richimupa mari yakawanda zvino kugara kumba kwavhiring­idza zvirongwa zvaanga akatara kuita gore rino .

“Dai mazuva akataurwa achipera nekuti zvauraya basa rangu sezvo pasina mari yandiri kukwanisa kuita kana ndisina mari mufoni nekuti kwatinoisi­rwa mari iyi kwakavharw­a. Ndange ndakataris­ira kuroora munaKubvum­bi asi handione sezvichait­a nekuti handisi kukwanisa kutendered­za mari.

“Iko kungoswera pamba kunotodhur­a nekuti vanhu vakange vachiswera pamba kudya kwacho kwakanyany­a, unobuda mubhajeti,” anodaro Mhlanga.

Anoti ndiye sara pavana anoriritir­a mhuri yakasiiwa nevabereki avo vakashaika makore mana apfuura mutsaona saka zvinhu zvakatomuo­mera munguva ino sezvo zvose zvinodiwa pamba zvakangota­risana naye.

Achitsigir­awo zvaitaurwa naMhlanga, mumwe mudzimai anoita basa rekuruka mabhegi achinoaten­gesa kunze kwenyika, Molline Para anoti Covid-19 yamukandis­a mapfumo pasi.

“Chirwere ichi chakaoma, chanetsa nyika dzose. Handizive kuti chakabva nekupi – paunenge wofunga kuti upenyu hwako hwava kuendeka panongouya zvinovhiri­ngidza. Handisi kukwanisa kubuda kunze nebasa sezvo mabhodha akavharwa apo ndanga ndiri pakati pekuvaka kusitendi kwangu ndichitari­sira kuti ndinopedza gore rino asi zvatokona,” anodaro.

Anoti dai Zimbabwe ikasaita zvakaitwa nenyika yeSouth Africa zvekuwedze­ra mazuva nekuti kugara pamba hakusi kumuunzira mari muhomwe sezvo pasina mukana wekushanda.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 18 vange vawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe apo vatatu vavo vakatoshai­ka.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe