Tapinda nzara – ‘Money changer’
Nyasha Bvudzijena VAMWE vevanhu vanorarama nekuita mabasa emaoko vave kuchema nekuda kwechirongwa cheHurumende chinoti vanhu vose – kusara kwevanoita mabasa anokoshesesa – vagare kumba vasingafambe-fambe kwemasvondo matatu senzira yekudzivirira kutapurirana nekupararira kwechirwere chanetsa pasi rose cheCovid-19.
Mumwe wevanochinja mari pamusika mutema, Fanuel Mhlanga, anoti basa rake ranga richimupa mari yakawanda zvino kugara kumba kwavhiringidza zvirongwa zvaanga akatara kuita gore rino .
“Dai mazuva akataurwa achipera nekuti zvauraya basa rangu sezvo pasina mari yandiri kukwanisa kuita kana ndisina mari mufoni nekuti kwatinoisirwa mari iyi kwakavharwa. Ndange ndakatarisira kuroora munaKubvumbi asi handione sezvichaita nekuti handisi kukwanisa kutenderedza mari.
“Iko kungoswera pamba kunotodhura nekuti vanhu vakange vachiswera pamba kudya kwacho kwakanyanya, unobuda mubhajeti,” anodaro Mhlanga.
Anoti ndiye sara pavana anoriritira mhuri yakasiiwa nevabereki avo vakashaika makore mana apfuura mutsaona saka zvinhu zvakatomuomera munguva ino sezvo zvose zvinodiwa pamba zvakangotarisana naye.
Achitsigirawo zvaitaurwa naMhlanga, mumwe mudzimai anoita basa rekuruka mabhegi achinoatengesa kunze kwenyika, Molline Para anoti Covid-19 yamukandisa mapfumo pasi.
“Chirwere ichi chakaoma, chanetsa nyika dzose. Handizive kuti chakabva nekupi – paunenge wofunga kuti upenyu hwako hwava kuendeka panongouya zvinovhiringidza. Handisi kukwanisa kubuda kunze nebasa sezvo mabhodha akavharwa apo ndanga ndiri pakati pekuvaka kusitendi kwangu ndichitarisira kuti ndinopedza gore rino asi zvatokona,” anodaro.
Anoti dai Zimbabwe ikasaita zvakaitwa nenyika yeSouth Africa zvekuwedzera mazuva nekuti kugara pamba hakusi kumuunzira mari muhomwe sezvo pasina mukana wekushanda.
Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 18 vange vawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe apo vatatu vavo vakatoshaika.