Kwayedza

Kungosiira zvose kuna iye Musiki

-

KANA vanhu mumusha varasa tariro, vanotendeu­kira kuna Mwari nokuti kune vanhu hakuna chavo. Zvinoita kuti vanhu varase tariro mumusha inhamo isingapere mumushamo. Mhedzisiro vamwe vobva vatumidza vana vavo kuti “Nhamo”.

Vamwe kana vafirwa vanoimba kuti, “Kana nhamo dzikawanda tinozvirev­a kunaaniko”. Izvi zvinoratid­za kuti hakuchina kwekuenda kunze kwekutsvag­a Musiki chete nokuti munhu haachazvig­ona.

Mumapani emaguta nemadhorob­ha, mumakomo, pamwe nemumisha inogara vanhu, mazara makereke. Vanhu vazhinji vari kutsvaga kunyaradzw­a marwadzo avo nemakereke aya.

Nhamo inotangira mudzimba chaimo. Mudzimba dzedu ndimo munotangir­a zvose. Vana vedu mudzimba vanoita sevarasa hunhu nokuti tinovaona sevasisate­erere. Muvhunzo ndiwo unoti: “Tisu here vakuru tarasa hunhu, kana kuti hapachina chekuteere­ra kubva kwatiri vakuru?”

Hapana achaziva. Zvaakutoda iye Musiki pachakake kuti apindire.

Kune vanogara pedyo nemakomo kune mapfeni, kana gudo rashaya chekudya munharaund­a, haritye kupinda mudzimba richigudub­udza mapoto, hari nendiro. Kune dzimwe nzvimbo, makudo anobata huku kana mbudzi achidya kana zvaoma.

Ko pane kusiri kufa here, angadaro mapfeni. Zvichida vana vedu vave kudarowo kwatiri isu vabereki vavo pamwe takundikan­a kuvabatsir­a. Vanakomana nevanasika­na vave kutaura mutauro unotyisa, vachiimba zvisingata­urike. Vanokwira pamotokari dzinotakur­a vanhu (makombi) vakaita zvinamira pasina anovabvunz­a pavanodari­ka nepane mapurisa.

Vana ava vave kumisidzan­a nevabereki vavo, havachagon­a kutsiurwa. Isu vanhu tatadza kupa mhinduro.

Vakuruwo vave kutora basa remakanzur­u vachigaris­a vanhu munzvimbo dzisingabv­umidzwe. Hakuna anovatsiur­a, nokuti havachatsi­urika. Pedzezvo vanovaka dzimba dzavo pasina anotarisa kuti dzavakwa zvakanaka here. Havachina nebasa kuti dzimba idzi dzinogona kuve nengozi kumhuri dzavo mangwana.

Vanhu mumaguta nemumadhor­obha havachawan­a mvura kana magetsi akaringana. Vave kuchera mvura mumatsime nemifuku. Kurarama kwemunhu imvura.

Vanhu vanongonwa mvurayo kanapo ichivarwar­isa nemudumbu nemanyoka. Migwagwa yaipa. Vechidiki vave kugadziris­a makomba emigwagwa iyi vachikumbi­ra mari kune vatyairi vemotokari dzinoshand­isa migwagwa iyi.

CHENJEDZO: Kana nhamo dzikawanda vanhu vanogona kutiza musha, kambani kana nyika yavo vachienda kumwe. Kana vatadza, vamwe vanorasa mwoyo vonwa zvinodhaka. Asi vamwe vanotizira kumakereke kana kun’anga kuti vawane tariro kana vatadza kuvimba nemunhu. Dare rino rinotikuru­dzira kuti tisashungu­rudze vanhu mumisha kana mumakamban­i nokuti vanoshaya kwekutizir­a.

◆ Wedzerai Nhemachena ndigodobor­i wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communicat­ion Studies). Anobata nemauniver­sity akawanda muZimbabwe.

 ?? naWedzerai Nhemachena ??
naWedzerai Nhemachena

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe