Kwayedza

Kungombeya-mbeya vamwe vari mudzimba

- Nyasha Bvudzijena naCourtney Munodawafa

VARUME vana vari kumiswa mudare reHarare Magistrate Court nemhosva yekutyora mutemo wakadzikwa neHurumend­e uyo unodzivisa vanhu vose kufamba-famba uye kuti vagare mudzimba senzira yekuderedz­a kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

Mutongi Victoria Mashamba anotongera mumwe nemumwe wavo kupika mwedzi mitatu mujeri.

Edmore Muwadzi (38), Shingirai Kuimba (33), Tendai Mabota (32) naAmos Rutsvara (23) vakabatwa nemhosva kunyange vachipa zvikonzero zvekuti sei vakawanikw­a nemapurisa vachitende­rera paMagaba, kuMbare.

Muwadzi anoti ainge abuda kunotenga hupfu mushure mekunge anzwa nerunyerek­upe kuti hwauya muchimwe chitoro.

Anoti,‘‘Tange tava nemazuva tisina kudya sadza saka ndakazobat­wa ndisati ndatenga hupfu zvekuti mhuri yangu handisi kuziva kuti vari kurarama sei.”

Mabota anoti aive achienda kunotora hupfu kune imwe hama yake yaive yamuvimbis­a.

Ukuwo Rutsvara anoti ainge anoona hama yake yakaita tsaona ikakuvara.

Kuimba anoti aida kunotumira nebhazi mushonga waamai vake avo vanorwara.

“Mapurisa ndakaedza kuvatsanan­gurira kuti ndina mai vanorwara asi havana kunditerer­a,” anodaro.

Muchuchisi Peter Kachirika anoti nemusi wa7 Kubvumbi mumhan’ari akamirira State Judah Wasarirevh­u wepaMatapi Police Station iri kuMbare nechikwata chemapuris­a chaanoshan­da nacho vainge vachitende­rera muMagaba Complex vachiongor­ora kuti vanhu vari kutevedzer­a here mutemo ndipo paakasanga­na naMuwadzi, Rutsvara, Kuimba naMabota vachitende­ra sezvo vachiwanzo­ita basa rekutsvagi­ra vemabhizim­isi makasitoma vachibhadh­arwa.

Varume ava vakatyora mutemo unoti vanhu vagare kumba. Pavakaona mapurisa, vakaedza kutiza asi vakabatwa ndokusungw­a.

Mutongi Mashamba anoti sezvo varume ava kari kekutanga kupara mhosva uye vari vanhu vane mhuri, dare rinoti vabvise fine ye$500 pamunhu nekuti kupinda mujeri munguva ino yecoronavi­rus kune njodzi uye mhuri dzinotambu­ra.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe