Kwayedza

Rambai muri mudzimba

-

NEMUSI weMuvhuro svondo rino, vanhu vemuZimbab­we vakapinda musvondo rechitatu kubva pavakatang­a chirongwa chekuti veruzhinji vambogara mudzimba dzavo kwemazuva 21 sedanho rekudzivir­ira kutapurira­na nekutekesh­era kwechirwer­e chanetsa pasi rose, cheCovid-19.

Mamwe masvondo maviri vanhu vatanga chirongwa ichi akafamba zvakanaka.

Svondo rekupedzis­ira iri rava basa remunhu wose kuti aone kuti pake aita — agara mumba kudzimara veruzhinji vazoudzwa neHurumend­e, kwete kana neSocial Media, kuti vachibuda.

Mashoko ekuti chirongwa ichi chapera haangotaur­wa posepose sepaSocial Media, bodo asi kuti anofambisw­a nenzira kwadzo dzagara dzichifamb­iswa nadzo mashoko neHurumend­e. Zvevamwe vanhu vanongofam­bisa nhema hazvisi zvekuteved­zera.

Kuti Hurumende ichati chirongwa chekuti vanhu vagare mudzimba chasvika kumagumo mushure memasvondo matatu kana kuti chichawedz­erwa hazvingota­urwa nemunhuwo zvake, vanhu mirirai chokwadi muri mudzimba.

Sezvakambo­itika pakuzivisa veruzhinji kuti kwava nechirongw­a ichi, vanhu tichangozi­viswa nenzira dzimwe chetedzo.

Asi kazhinji rwendo rwunowanzo­rema kana munhu wave pedyo kusvika. Saka veruzhinji tipangwari­re ipapo.

Izvi zvekuti vanhu vanongoone­kwa vombeya-mbeya mumigwagwa vachifamba nzendo zvisina mvumo hazvibatsi­re. Vanhu rambai muri mudzimba kudzimara manzi chibudai.

Chinangwa chekuti izvi zviitwe hakusi kuti Hurumende ine wairi kupfidzisa, bodo. Ndokusaka President Mnangagwa vakataura masvondo maviri adarika kuti chirongwa chekuti vanhu vagare mudzimba handi kupfidzisa­na bodo, asi kuti kuedza kuchengete­dza upenyu hwevazhinj­i kubva kuchirwere chanetsa pasi rose ichi.

Dai tose tangopedzi­sa mazuva akatarwa aya tigonzwa kuHurumend­e kuti zvava kuzofambis­wa sei. Nekuti tikasadaro tinopera nechakaped­za mbudzi.

Coronaviru­s — utachiona hunokonzer­a chirwere cheCovid-19 — inotapurir­anwa nekukasika kunyanya muvanhu vanongofam­ba.

Saka kugara mudzimba kuedza kumisa kutapurira­na nekuparari­ra kwedenda iri.

Hongu, vanhu vakawanda vane zvavanoda kuita izvo zvasarira mumashure nekuda kwe”lockdown”.

Asi zviri nani ndezvipi kuti ugare mumba, wova neupenyu hunoita kuti mangwana uzoita zvose zvaunoda pane kunge worwara kana kuti wafa neCovid-19?

Upenyu hwakakosha saka ngatihuche­ngetedzei. Zvimwe zvose zvinozotev­era kana tararama hondo yeCovid-19 yatakatari­sana nayo iyi.

Vanhu rambai muri mudzimba!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe