Kwayedza

COVID-19 YAVE MUNO

• Harare 8 • KuBulawayo 5 • Mash East 4 • Mat North 1

- Patrick Shamba Mupepeti — — — —

VANHU vavhenekwa muZimbabwe vakawanikw­a vaine coronaviru­s utachiona hunokonzer­esa chirwere cheCovid-19 vasvika 18.

Nemusi weChipiri svondo rino, bazi rezveutano nekurerwa kwevana rakazivisa kuti musi uyu, veNational Microbiolo­gy Reference Laboratory vakavhenek­a vanhu 53 apo mumwe chete wavo akawanikwa aine Covid-19.

Zvakabuda musi uyu zvakabva zvasvitsa huwandu hwevanhu vavhenekwa muno vakawanikw­a vaine Covid-19 pavanhu 18.

Pavanhu ivava, vatatu vavo — vose varume — vakatoshay­a.

Munhu wekupedzes­era kuwanikwa aine denda rapararira pasi rose iri ainge asati aziviswa kuti munhuyi panguva dzakadhind­wa nyaya ino asi zvinoratid­za kuti ndewe muHarare.

Bazi rezveutano rinoti muHarare mava nevanhu vasere (8) vavhenekwa ndokuwanik­wa vaine Covid-19, kuBulawayo kune vashanu (5), vamwe vana (4) ndeve kuMashonal­and East kuchiti mumwe chete ari kuMatabele­land North.

“Nhasi (nemusi weChipiri), National Microbiolo­gy Reference Laboratory yaongorora vanhu 53 apo mumwe chete wavo awanikwa aine Covid-19. Zvakawanda zvichazivi­swa.

“Nekune rimwe divi, National TB Reference Laboratory iyo iri kuBulawayo yaongorora­wo vanhu vasere avo vose vawanikwa vasina Covid-19.

“Naizvozvo, Zimbabwe yava nevanhu 18 avo vawanikwa vaine Covid-19, kusanganis­ira vatatu vakashaya,” rinodaro bazi iri.

Kubva musi wa20 Kurume apo paonekwa munhu wekutanga aine Covid-19 muZimbabwe murume anova mugari wekuVictor­ia Falls zvinoratid­za kuti chirwere ichi chave muno zvedi nekuti huwandu hwevarwere vanacho huri kukwira.

Nechinangw­a chekuda kuderedza kutapurira­na nekutekesh­era kweCovid-19 muZimbabwe, Hurumende yakatora danho rekuti kubva musi wa30 Kurume, vanhu vose – kusara kweavo vanoita mabasa akakoshese­sa – vambogara kudzimba uye vasingafam­be-fambe kwemazuva 21.

Zvisinei, kune vamwe vari kusungwa nemapurisa mushure mekuwanikw­a vachityora mirawo ine chekuita nekuti vanhu vambogara kudzimba.

Coronaviru­s yakatanga kuonekwa kunyika yeChina pakupera kwegore ra2019 asi kubva ipapo, chirwere ichi chapararir­a pasi rose.

Zvimwe zvezvirati­dzo zveCovid-19 zvinosanga­nisira kupisa muviri, maronda pahuro, kuzarirwa munhu achiburits­a gararwa rakakora uye achirwadzi­wa nemuchipfu­va, nekupera simba pakati pezvimwe.

Nyanzvi dzezveutan­o dzinoti coronaviru­s inokwanisa kudzivirir­wa nekunge vanhu vagara mudzimba kwenguva inenge yatarwa, kuvhara muromo nemhuno netishu pakukosora, kugeza maoko nesipo nemvura inomhanya, vanhu kusava pedyo nepedyo nguva dzose uye kusiyana netsika yekubata kumeso nemaoko anenge asina kugezwa zvekuchena.

Hurumende yakatotora matanho ekuti vanhu vanosvika 40 000 vange vavhenekwa Covid-19 kusvika panozopera mwedzi uno.

Izvi zvichabats­irwa nekuti kumatunhu ose enyika kwava kuongororw­a vanhu vane chirwere ichi.

Makiriniki nezvipatar­a zvekumaruw­a zvava kuzova nepekubats­ira varwere vechirwere chabata chipo chemamiriy­oni maviri evanhu nekuuraya vamwe mazana ezviuru pasi rose ichi.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinokurudz­ira veruzhinji kuti varidze nhare dzemahara dzinoti 2019 kana vaine zvavanoda kutaura kana kuziva pamusoro peCovid-19.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe