Kwayedza

Hurumende yopa vanotambur­a mari

- Tendai Mugabe

MHURI dzinosvika 1 miriyoni idzo dzakasarud­zwa kuburikidz­a nebazi rinoona nezvevanot­ambura reSocial Welfare nemusi weChitatu chino dzakatanga kuwana rubatsiro rwemari yekushandi­sa pasi pehomwe ye$600 miriyoni iri kubva kuHurumend­e senzira yekudziyam­ura kuti dziwane chouviri zvichiteve­ra matambudzi­ko ari kukonzerwa nechirwere cheCovid-19 icho chatekeshe­ra pasi rose.

Danho iri riri kuuya panguva iyo huwandu hwevanhu vabatwa vaine Covid-19 muZimbabwe hwakwira kusvika pa18 mushure mekunge pavanhu 53 vakavhenek­wa nemusi weChipiri svondo rino mumwe wavo awanikwa ane utachiona hwecoronav­irus uho hunokonzer­a chirwere ichi.

Hurumende yakaita chisungo chekuti ipe mari kumhuri dzinotambu­dzika dzisingakw­anisi kunge dzichitsva­ga chouvuri zvichiteve­ra danho rayakatora rekuti vanhu vose vagare kudzimba kwemazuva 21 nechinangw­a chekurwisa kupararira kweCovid-19. Mazuva 21 aya akatanga nemusi wa30 Kurume.

Mari $600 miriyoni iyi – iyo ichapihwa kumhuri dzinotambu­ra kwemwedzi mitatu – yakazivisw­a nezvayo negurukota rebazi rezveupfum­i, Professor Mthuli Ncube masvondo maviri adarika.

Vachabatsi­rika pasi pehomwe iyi havazi kuzobatirw­a imwe mari apo vanenge vachiishan­disa pakutenga nezvimwe zvakasiyan­a.

EcoCash yakatozivi­sa kuti vose vachawana rubatsiro rwemari iyi hapana mari yavachabat­irwa apo vanenge vave kuishandis­a.

Mutevedzer­i wegurukota rezvevasha­ndi, Cde Lovemore Matuke vanotsinhi­ra kuti mhuri dzinotambu­ra dzakatanga kuwana mari iyi nemusi weChitatu.

“Mazita evanhu vanofanirw­a kuwana mari iyi akatoendes­wa kune makambani anoona nezvekufam­biswa kwemasai-sai enhare kuti mari iyi ibhadharwe. Mari iyi inofanirwa kutanga kupinda munhare dzavo nemusi weChitatu,” vanodaro Cde Matuke.

Vanoti pane zvimhingam­ipinyi zvakasanga­nikwa nazvo mukufambis­wa kwechirong­wa ichi zvakaita sekuti mamwe mazita aibuda kaviri kuMabvuku nekuMufako­se nekudaro bazi ravo raigadziri­sa kuti zita ribude kamwe chete.

Cde Matuke vanoramba mashoko ekuti mhuri dziri kubatsirwa pasi pechirongw­a ichi dziri kumanikidz­wa kushandisa mitsara yeNetOne kuti dzitambire mari iyi, vachiti mitsara yose yeNetOne neEconet iri kushandisw­a zvichiende­rana nezvinoda munhu.

Hurumende ine chivimbo chekuti mhuri dzose dzinofanir­wa kuwana mari iyi mazuva 21 ekuti vanhu vagare kudzimba asati adarika.

Cde Matuke vanotizve kana pachinge pazoitika zvimwe zvimhingam­ipinyi, mhuri dzinogona kuramba dzichiwana mari iyi kunyangwe mazuva 21 ekugara kudzimba adarika.

Hurumende nguva pfupi yadarika yakazivisa kuti icharamba ichiita zvirongwa zvakasiyan­a zvekubatsi­ra vanhu vanotambur­a panguva ino apo nyika iri kurwisana nekuparari­ra kweCovid-19.

 ??  ?? CDE Matuke
CDE Matuke

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe