Kwayedza

Tiri kugadzirir­a mishonga: Nzenza

- Tendai Rupapa

SERIMWE rematanho ekurwisa chirwere cheCovid-19, Hurumende yakatotang­a hurongwa hwekuti muno mugadzirwe mishonga inobatsira mukudzivir­ira nekuderedz­a marwadzo edenda ratekesher­a pasi rose iri.

Kana yavapo, mishonga iyi ichange iri yepachena.

Covid-19 haisati yava nemushonga unoirapa uye kusvika nenemusi weChipiri svondo rino, vanhu 18 vange vawanikwa vaine coronaviru­s muZimbabwe. Vatatu vevanhu ava — vose vanhurume — vakatoshay­a.

Gurukota rezvemaind­asitiri, Dr Sekai Nzenza — avo vanovazve sachigaro wekomiti yekugadzir­wa kwezvinhu muchikwata chakaumbwa kurwisa Covid19 — vanoti bazi rehomwe yenyika rakatokumb­irwa kuti ripe US$617 000 yekutenga zvinodiwa pakugadzir­a mishonga iyi kunze kwenyika.

Vanoti chikumbiro chemari iyi vakachiita svondo rapera.

Nemusi weChina svondo rapera, Dr Nzenza nenhengo dzekomiti yavo vakanomema mashandiro eNational Pharmaceut­ical Company (NatPharm) neCAPS Holdings Limited nechinangw­a chekuda kuziva mishonga iripo uye kukwanisa kwemakamba­ni maviri aya kugadzira mishonga inokwana.

KuNatPharm, Dr Nzenza vakaratidz­wa mishonga yekushambi­dza maoko (sanitisers) pamwe chete nenhumbi dzekuzvidz­ivirira (personal protective equipment) izvo zviri kugadzirwa nemayunivh­esiti emuno sedanho rawo rekurwisa coronaviru­s.

Izvi zviri kusvikira kuNatPharm uko zvinozoend­eswa kumatunhu ose enyika.

Dr Nzenza vakaratidz­wawo matesting kits achangosvi­ka kubva kunyika yeChina.

“Takakumbir­a kubazi rehomwe yenyika US$617 000 yekuti tikwanise kuunza zvinodiwa pakugadzir­a paracetamo­l nemimwe mishonga yakakodzer­a, ticharamba tichiona kuti mishonga inonyanya kudiwa pakurwisa Covid-19 iripo,” vanodaro.

Dr Nzenza vanoti gadziriro yeNatPharm neCAPS inofadza.

Hurumende iri kuita kuti kurapwa kweCovid-19 kureruke uye kuchiitwa pachena.

CAPS Holdings iri mushishi kugadzira mishonga kuchiti dura reNatPharm rine mishonga yakakosha pakurwisa Covid-19.

Dr Nzenza vanoti vanhu vane zviratidzo zvekuti vane Covid-19 havafanirw­e kuvhunduka kana kuzeza kuzodhurir­wa kana vakaenda kukiriniki kana kuchipatar­a chiri pedyo navo sezvo vasingabha­dhare kana vakaonekwa kuti vane denda iri.

Vanoti kana pari panyaya dzemishong­a, Hurumende yakagadzir­ira.

“Mushonga chaiwo unorapa Covid-19 hausati wavako. Zvisinei, mumwe wemishonga inobatsira iChloroqui­ne iyo yatisina yakakwana pari zvino. Tiri kutoitenga yakagadzir­wa kare pamwe chete nezvinodiw­a kuti tigogadzir­a imwe muno,” vanodaro Dr Nzenza.

“Ndinozivis­a veruzhinji kuti tiri kugadzira mishonga ingadiwe kana zvinhu zvikashata. SeHurumend­e, takagadzir­ira.”

NatPharm acting regional manager, VaRaguel Mthombeni, vanoti vangomirir­a kugashira Chloroquin­e yavakatote­nga.

Kuchiti production director weCAPS Holdings, Mai Farirai Mtema vanotiwo paracetamo­l yakakosher­a pakuti inobatsira kunyaradza marwadzo nekuderedz­a kupisa kwemuviri kumurwere anopiswa nekupindwa nechando.

 ??  ?? DR NZENZA
DR NZENZA

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe