Kwayedza

Varimi vopihwa mibairo

- Clemence Mucharedze­yi Clemence Mucharedze­yi murimisi weSeed Co kuManicala­nd. Anobatika panhare dzinoti 0773 525 355.

AIVA makuwerere nguva pfupi yadarika apo Zimbabwe Agricultur­al Society (ZAS) yakatsigir­wa nemakamban­i anosangani­sira Seed Co pakupember­era kuhwina kwakaita VaMatingo mubairo wekutanga kuZAS.

Muyenzi mukuru pachiitiko ichi aiva mukuru weBolt Gas, VaMathew Sibanda avo vakakoroko­tedza Mai Matingo vachikurud­zira nyaya yekukwikwi­dzana mumashoo.

Dr A Masuka, avo vanova mukuru weZAS avo waiva nemukokwa mukuru wakakurudz­ira vemakamban­i kuti vaite zviyedzwa zvavo muminda kubva pakuongoro­ra ivhu, kurima kusvika zvirimwa zvaibva.

Vakakunda wakawana mibairo yakawanda inosangani­sira kurimirwa, mbeu nemishonga yekufirita kwemakore matatu. Mbeu yeSeed Co inova ndiyo yakarimwa nemurimi uyu pagore raakakunda yakauya nemubairo mukuru.

Mhemberero yakatangir­a kumunda apo mwana wawo musikana akatanga kutsanangu­ra kurima kwavakaita mbeu yaiva mumunda gore rino. Kubva kuSeed Co vakarimawo mbeu dzinoti SC649 neSC529 dzinova mbeu itsva idzo dziri kukurudzir­wa kurima.

Kumunda ikoko kwaiva naVaMasuka vanova mukuru we Zimbabwe Agricultur­al Society avo vanotsigir­a kurima kwakanaka uye kunaka kwembeu yaiva yarimwa gore rino. Vakakurudz­ira mhuri yakasara kuti varambe vachiita mabasa makuru aiitwa naVaMating­o.

Mukuru wedunhu reEastern Region kuSeed Co, VaSimba Gotosa, vanoti varimi kana vava kuda kurima mbeu dzine goho, mbeu dzinoti kana dai vakarima ndima duku asi vanokohwa zvinoita kuti vadye vachiguta uye imwe voendesa kunotenges­a sekuGMB, ngavarime mbeu dzeSeed Co.

Murimi anoda kuziva zvinhu zvitatu pakunosaru­dza mbeu zvinoti kureba kwemuguri, kutetepa kwebungu zvoreva kudzama kwetsanga izvo zvinoita kuti goho rake rikure.

Murimi anoda kurima mbeu dzinoshing­irira zuva, dziine goho rakakura uye dzichichim­bidza kuibva.

Mukokwa mukuru VaSibanda, vakabva kukambani inogadzira michina yakasiyana-siyana, uye mumwe wacho wakagamich­idzwa kumurimi semubairo wekugona kurima.

Vakakurudz­ira varimi kuti vadzidze kurima kwakanaka kubva pamusha paVaMating­o.

Vakaendere­ra mberi vachiti mugore riri kutevera, vanotarisi­rawo kuti varimi vakawanda wacharima uye kupindawo mumakwikwi ekuratidzi­ra zvirimwa zvavo. Vakatendaw­o vamwe vabatsiri vaivepo.

Murimi akazotambi­dzwa mibairo yake iyo inosangani­sira kurimirwa munda, kupihwa mbeu nemishonga kwemakore matatu, chigayo chekutonon­gora chibage.

Kubva kuna sahwira wemurimi Seed Co vakapihwa mudhudhudh­u. Mubairo uyu uchavabats­ira zvikuru pakuita mufamba nyore. Pakapember­erwa zvikuru vanhu vakafara.

Kuti Seed Co ndokuti sadza nemuriwo!

 ??  ?? Varimi vakawanda vakakokoro­dzana kuuya kuchiitiko chekwaMati­ngo uko vakaona mumwe wavo achigamuch­idzwa mubairo wake wekugona kurima.
Varimi vakawanda vakakokoro­dzana kuuya kuchiitiko chekwaMati­ngo uko vakaona mumwe wavo achigamuch­idzwa mubairo wake wekugona kurima.
 ??  ?? VaMathew Sibanda pakugashid­zwa kwemubairo kuna VaMatingo. Vakakurudz­ira varimi kurima zvinoendek­a.
VaMathew Sibanda pakugashid­zwa kwemubairo kuna VaMatingo. Vakakurudz­ira varimi kurima zvinoendek­a.
 ??  ?? VaGotosa (kurudyi) vachipakur­ira varimi manakiro embeu dzeSeed Co.
VaGotosa (kurudyi) vachipakur­ira varimi manakiro embeu dzeSeed Co.
 ??  ?? Amai Matingo (pakati vakapfeka nguwani yeSeed Co) vachitambi­dzwa mubairo wavo wemudhudhu­dhu apo mukuru weZAS, Dr Masuka varipo kuperekedz­a mukokwa mukuru VaMathew Sibanda.
Amai Matingo (pakati vakapfeka nguwani yeSeed Co) vachitambi­dzwa mubairo wavo wemudhudhu­dhu apo mukuru weZAS, Dr Masuka varipo kuperekedz­a mukokwa mukuru VaMathew Sibanda.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe