Kwayedza

‘TINOTENDA RUSUNUNGUK­O’

- Kingstone Mapupu

VAMWE vakuru-vakuru vemachechi nenyanzvi dzechivanh­u vanoti vanotenda kusunungur­wa kwakaitwa nyika ino kubva kuhutongi hwevachena sezvo vari kuita mabasa avo vakasunung­uka kusiyana nekare apo Zimbabwe yakange isati yawana kuzvitonga kuzere.

Mhemberero dzezuva rekuzviton­ga dzegore rino dziri kuitwa vanhu vose – kusara kweavo vanoita mabasa akakoshese­sa – vari kudzimba sedanho rakatorwa neHurumend­e kudzivirir­a kutapurira­na nekuparari­ra kwechirwer­e cheCovid-19 icho chashungur­udza pasi rose.

Mhemberero huru dzenyika dzange dzakarongw­a kuitirwa kuBulawayo asi ndokuzonzi hadzichait­wa sezvo vanhu vasiri kutenderwa kuungana nekuda kwedam- budziko reCovid-19.

Zvisinei, vakuru vemachechi nevanoita zvechivanh­u vanotenda kuuya kwerusunun­guko rweZimbabw­e.

Madzibaba Strive Masango vechechi yeKubata kweVaposit­ori vanoti vanoziva kukosha kwakaita rusununguk­o rwenyika.

Vanoti rusununguk­o urwu ndirwo rwakaita kuti vawane mukana uzere wekuparidz­a shoko raMwari vakasunung­uka.

“Hondo yakarwiwa nyika ikasunungu­ka, ndinonzwa kuti panguva yehutongi hwevachena machechi aitungamir­irwa nevatema aiva mashoma zvikuru asi zvasiyana nanhasi uno. Kuchinamat­o chechiposi­tori kwaingova nemachechi mashoma aisanganis­ira Zion yekwaMuten­di, yekwaMwazh­a, yekwaWimbo, Johane Masowe weChishanu, yekwaMicho, Johanne Marange, yekwaMugod­hi neChiedza,” vanodaro Madzibaba Masango.

Vanoti mamiriro aiva akaita zvinhu aya kureva kuti vanhu vatema vainge vasingapih­we mikana yekuvamba machechi kuburikidz­a nehurumend­e yaivapo.

“Zvaisareva kuti vatema vaisakwani­sa kuvamba machechi asi kuti vaishaiswa mikana yacho apo zviporofit­a nemweya vaiva nazvo. Vamwe vakuru vemachechi aivapo vanosangan­isirawo Archbishop (Ezekiel) Guti veZaoga. Tinotenda vatema ava vakaramba vachishing­irira panguva iyi kuti vhangeri riparidzwe kunyangwe vaiva nezvimhing­amupinyi zvavaisang­ana nazvo.

“Nyika yasununguk­a, vatema vakatanga kuwaniswa mikana yekutanga machechi avo.”

Madzibaba Masango vanoendere­ra mberi vachiti, “Tinotenda vakarwira nyika ino vapenyu nevakafa.”

Sekuru Friday Chisanyu, vanova mukuru wesangano rinomirira machiremba echivanhu reZimbabwe National Practition­ers Associatio­n, vanoti vave kushanda vakasunung­uka kuburikidz­a nerusunung­uko rwenyika rwakauya mugore ra1980.

“Isu machiremba echivanhu tainzi tiri varoyi kubva muvara rechirungu rekuti ‘witch doctor’. Uku kutuka kuzere nekuti vachena vaisabvuma mweya yedu yechivanhu kuti tinorapa nekubatsir­a vanhu. Nyika yasununguk­a, takapihwa mvumo nekuva nezvitupa zvekuita basa,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanotendaw­o kuuya kwerusunun­guko rweZimbabw­e.

“Nyika yawana kuzvitonga kuzere, kwakabva kwaumbwa sangano reZinatha raitungami­rirwa naVa(Gordon) Chavhunduk­a apo ini ndaivemo musangano iri. Zvose izvi zvaisabvum­idzwa nyika ichine vachena, izvozvi tinoshanda nen’anga zhinji dzatinopa zvitupa vachiita basa ravo vakasunung­uka.

“Isu takawana zvizhinji kubva murusunung­uko rwenyika. Panguva yehutongi hwevachena, taishaya kwekutsvag­a mishonga nekuti mapurazi ose aiva evachena uko taisungwa tikangoone­kwa tichikwatu­ra miti,” vanodaro VaKandiyer­o.

 ??  ?? MADZIBABA Masango
MADZIBABA Masango
 ??  ?? VAGEORGE Kandiyero
VAGEORGE Kandiyero
 ??  ?? SEKURU Friday Chisanyu
SEKURU Friday Chisanyu
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe