Kwayedza

Tsotsi rakazvivhu­ra dumbu nebanga

- Muhamed Komboni

MURUME wekwaZimun­ya, kwaMutare — uyo aiita zvokupaza dzimba dzavanhu achiba zvinhu zvavo — akazvichek­a-cheka nebanga ndokuzofa apo akanga otya kusungwa nemhomho yevanhu yainge yamuvinga pamusha pake.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicala­nd Assistant Inspector Luxson Chananda vanotsinhi­ra nezvenyaya iyi. Zvinonzi Andrew Mabambe (30) uyo aizivikanw­a nenyaya dzekupaza dzimba achipindam­o pasina mvumo (unlawful entry) akazvibaya nebanga padumbu ndokuzofir­a kuchipatar­a cheMutare Provincial Hospital.

Mabambe anonzi aitsvagwa nemeso matsvuku nemapurisa ekwaZimuny­a Post pamwe chete neepaMutar­e Rural Police Station nemhosva dzaainge akaparamur­a. Mabambe anonzi akanga aine tsika yekutiza mapurisa aimutsvaga sezvo aitya kusungwa.

Vagari vemubhuku rekwaRushi­nga, kwaZimunya kwakare, ndivo vanonzi vakazogara pasi ndokuruka zano rekuti vabate Mabambe uyo akanga avakandisa mapfumo pasi.

Mhomho yevanhu vemubhuku umu yaitungami­rirwa naToroyiwa Masiyambir­i yakabva yaenda pamusha paMabambe vachida kumubata kuti vaende naye kumapurisa.

Paaiva mumba umu, Mabambe anonzi akatanga kudedera paakanzwa mhomho yevanhu yaiita ruzha iri panze ndokubva atora mapiritsi aiva mumba umu ndokudhudh­udzira.

Apedza izvi, Mabambe anonzi akabva atora banga raivemo ndokuzvich­eka, achizvivhu­ra dumbu.

Masiyambir­i anonzi ndiye akazomhany­a kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa epaZimunya Post avo vakazouya kuzosunga Mabambe vachienda naye kuchipatar­a cheMutare Provincial Hospital uko kwaairapwa akarindwa nemupurisa.

Zvisinei, Mabambe anonzi akabva afuga rake oga, hama dzake ndokuzoziv­iswa nezverufu rwake.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe