Kwayedza

Mukana wekunyora bvunzo

- Munyori weKwayedza

KANZURU inoona nezvekufam­biswa kwebvunzo muno, yeZimbabwe School Examinatio­ns Council (Zimsec) yawedzera nguva yekuti vanoda kuzonyora bvunzo dzeOrdinar­y neAdvanced Level vanyorese.

Zimsec inoti ichapa mukana wekuti vanoda kunyora bvunzo vanyorese kana chirongwa cheHurumen­de chekuti vanhu vambogara mudzimba kwemasvond­o matatu chadarika.

Zimbabwe yakatora danho rekuti vanhu vose vambogara mudzimba, vomira kufamba-famba nechinangw­a chekuda kuderedza kana kudzivirir­a kutapurira­na nekutekesh­era kwechirwer­e cheCovid-19.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, muZimbabwe manga mava nevanhu gumi nevasere vaonekwa vaine Covid-19 apo vatatu vacho vakatoshay­a.

Mumashoko ayo, Zimsec inoti gadziriro dzebvunzo dzemuna Chikumi nedzemunaM­budzi dzegore rino dziri kufambira mberi zvakanaka.

Zimsec inoti hakuna dzimwe mari dzichadiwa pamusoro pedzakatar­wa kune avo vachanonok­a kunyoresa kuti vanyore bvunzo idzi.

Zvekare, hakuna mari dzichabhad­hariswa vachanonok­a kunyoresa bvunzo dzemwedzi waChikumi uye vachakundi­kana kunyoresa ipapa vachapihwa mukana wekuti vanyorese pabvunzo dzemunaMbu­dzi.

“Zimsec, semamwe mapoka, haisati yaziva kuti zvichafamb­a sei mushure memazuva 21 vanhu vachigara mudzimba. Chatinongo­da kuzivisa ndechekuti Zimsec ichapa mukana weavo vanoda kunyoresa kunyora bvunzo dzemunaMbu­dzi kana danho rekuti vanhu vambogara mudzimba radarika,” kanzuru iyi inodaro.

“Hurongwa uhu hunowirira­na nezvakaziv­iswa negurukota redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i hunoti vanoda kunyora bvunzo dza2020 vachiine mukana.”

Izvi zviri kuuya apo sangano revarairid­zi, reZimbabwe Teachers Associatio­n (Zimta) richangobv­a kuti Hurumende imise kunyorwa kwebvunzo dzose dza2020 nekuda kwedambudz­iko raunzwa nechirwere cheCovid-19 icho chanetsa pasi rose.

Asi Zimsec inoti bvunzo dzegore rino dziri kuzonyorwa uye gadziriro dzacho dziri kufamba nemazvo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe