Musha wose wovhenekwa coronavirus
VAGARI vose vemubhuku rekwaChitemere, kuMhondoro-Mubaira, kudunhu reMashonaland West, pamwe chete nevemunharaunda vari kuvhenekwa chirwere cheCovid-19 pasi pechirongwa chekuda kunyatsozivisisa mamiriro edenha iri munzvimbo iyi.
Danho iri rinotevera kubatwa kwevamwezve vanhu vaviri veko — avo vakambosangana nemushakabvu Gogo Nguni.
Mumwe wevachangobva kuwanikwa vaine Covid-19 haana kumbobvira agara mumba mumwe chetemo nemushakabvu Gogo Nguni, izvo zvinonongedza kuti munharaunda yeChitemere munogona kunge mava nekutapurinana hutachiona huri kutangiramo.
Mwanakomana waGogo Nguni, VaSylvester Nguni — avo vaimbova gurukota reHurumende muhofisi yemutevedzeri wemutungamiri wenyika, zvekare vaiva mumiririri weMhondoro-Mubaira — mudzimai wavo pamwe chete nehanzvadzi dzavo mbiri, vose vaiva nemushakabvu Gogo Nguni pavakaendeswa kuchipatara chiri muHarare, vakavhenekwa ndokuwanikwa vasina Covid-19.
Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo vanoti kuvhenekwa kwevanhu vose vemubhuku raChitemere nenharaunda kwakatotanga.
“Zvikwata zvevanhu vedu vanobva kuHarare nevekuMashonaland West zvakatotanga ongororo munharaunda iyi, vachavheneka vanhu vose kudzimara tasvika pamwongo penyaya iyi,” vanodaro Dr Moyo.
VaNguni vanoramba kuti vane hukama naChristopher Chitemere wemuHarare uyo achangodzoka munyika achibva kuUnited Kingdom, vachiti kungofanana kwemazita.
Vanotizve amai vavo, Gogo Nguni, havana kumbobvira vakaonana kana kusangana naChitemere uyu, uye pavakangouya kuHarare munguva pfupi yadarika ndepavakaunzwa kuchipatara cheWest End Clinic kuti vazorapwa.
Zvisinei, VaNguni vanoti vane hama yavo yepedyo ine zita rimwe chetero, iyo inogara pedyo nemusha waamai vavo kuMhondoro.
Vanoti mhuri yavo yakamirira kunzwa zvichabuda muongororo dzevose vakambosvika pedyo naamai vavo nechinangwa chekuda kuziva chaizvo zvingange zvakaitika.
Covid-19 inokonzerwa nehutachiona hunonzi coronavirus.
Kusvika nemusi weSvondo, vanhu 31 vange vavhenekwa ndokuwanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe.
Pavanhu ava, vana (4) vavo — varume vatatu nemunhukadzi mumwe chete — vakashaya, uye vashanu vanaya.