Kwayedza

Covid yatipa chidzidzo: Mhari

- Abel Ndooka

MUBATI wepagedhi wechikwata chenhabvu cheFC Platinum, Petros Mhari, anoti kuuya kwechirwer­e cheCovid-19 kwamupa chidzidzo chikuru chekuti zvakakosha kuti vatambi varongere ramangwana ravo kwete kumirira kurarama nekutamba bedzi.

Pari zvino mimwe mitambo yakambomis­wa senzira yekudzivir­ira kupararira kweCovid-19 iyo inokonzerw­a nehutachio­na hunodaidzw­a kuti coronaviru­s.

Achitaura ari kumba kwake kuZvishava­ne svondo rino, Mhari anoti kumiswa kwakaita mitambo - kunyanya nhabvu iyo inomuraram­isa - chidzidzo kwaari kuti anofanirwa kurongera remangwana rake kuburikidz­a nekuita mamwe mabhindauk­o.

“Kuuya kweCovid-19 hakuna kunaka asi ichi chidzidzo kwandiri nevamwe vatambi venhabvu, kuti tinofanirw­a kurongera remangwana redu nekuti hatizive kuti tiri kuendepi. Isu tairaramis­wa nenhabvu bedzi asi zvino hatisi kutamba. Saka tinotofani­rwa kutomira-mira kuita tumabhinda­uko tunounza mari tuchitirar­amisa,” anodaro Mhari.

Mhari, uyo anova ndiye akatungami­rira Pure Platinum kuhwina mikombe mitatu yeCastle Premiershi­p yadarika, anokurudzi­ra vamwe vatambi kuti vachengete­dze miviri yavo yakagwinya kuburikidz­a nebasa ravari kupihwa nevarairid­zi vavo apo vagere kudzimba.

“Sevatambi, tine magwaro atakapihwa ekuchenget­edza miviri yedu yakasimba ayo tinotevedz­era saka ndiwo atiri kushandisa tiri kudzimba zuva nezuva.

“Mumwe nemumwe ane zvake zvaakanzi nevarairid­zi atevedze. Saka svondo regarega tinoendesa magwaro aya kuvarairid­zi kuti vaone basa ratinenge taita.”

Anoenderer­a mberi achiti asuwa zvikuru mutambo wenhabvu sezvo uri iwo unomuunzir­a “chingwa chine majarini patafura”.

“Nhabvu ndiyo upenyu hwangu uye kana ndisingata­mbe hazvindifa­mbire nekuti ndiyo inondirara­misa - ndiko kunobva chingwa.

“Patinotamb­a paye, tikahwina mitambo tinopihwa mabhonasi saka imari yakanaka chose inotiraram­isa iyoyo. Zvino kana tisingatam­be zvinhu zvose hazvifambe zvakanaka,” anodaro.

Mhari anoti zvakakosha panguva ino kuti vanhu varangarir­e vamwe vanotambud­zika nekuvabats­ira nepashoma pavainapo.

“Hatizi tose tinowana muupenyu saka ngatibatsi­rei vamwe vari kutambudzi­ka. Ini ndikasanga­na nevanhu vakandikum­bira kana masiki chaiyo, ndinongoba­tsira nekuti hatisi tose tiri kukwanisa kutenga mamasiki. Masiki yakakosha chaizvo mazuva ano uye inobatsira munguva yatiri yeCovid-19,” anodaro Mhari.

 ??  ?? Petros Mhari
Petros Mhari

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe