Kwayedza

‘Murume wangu anondiruma’

• ‘achindisve­ta ropa’ • ‘panguva yebonde’

- Munyori weKwayedza

NYAYA yemurume anonzi ane mweya unomutuma kuruma pamwechete nekusveta ropa remudzimai wake sezvinoitw­a nechipuka chinozivik­anwa nekuti “vampire” yakapinda mudare reMutare Magistrate’s Court svondo rapera.

Nella Chitaitai akafumura gure iri paakamira pamberi pedare nemusi weChipiri mushure mekunge amhan’arira murume wake Moses Nyamuteka achida mari yemendenen­zi yevana vaviri.

Chitaitai anoti Nyamuteka ane mazino akarodzwa zvinoita kuti arwadziwe zvikuru panguva yaanomurum­a.

“Anonditaur­ira kuti ane mweya unomuudza kuti andirume uye panguva yatinenge tichida kuita bonde tinotombor­wa. Ndine mavanga muviri wangu wose ekurumwa naye.

“Pose pandinomuu­dza kuti achengete vana, tinopedzis­ira tava kurwa achindirum­a. Patinoita bonde anondiruma zvakare.

“Ndikamubvu­nza kuti anozviitir­ei anongondip­a mhinduro imwechete yekuti ane mweya we‘vampire’.

“Ndinoshami­sika nazvo kuti mweya uyu hauite here kuti arume mudzimai wake wekutanga nekuti handisati ndambonzwa achinyunyu­ta,” anodaro.

Nyamuteka anorambisi­sa nyaya iyi achiti Chitaitai agara aine mavanga iwaya kubva vasati varoorana makore mapfumamwe adarika.

Chitaitai anosimbiri­ra nenyaya yekuti Nyamuteka anomuruma achimusvet­a ropa.

“Akatogara azvitaura kuti acharamba nyaya iyi asi ndeyechokw­adi. Ndine maronda matsva chaiwo anoratidza paakapedzi­sira kundiruma mwedzi wadarika,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Aida kundibaya nebanga ndakazomur­umawo senzira yekuzvidzi­virira apo aitoita kunge munhu asvikirwa,” anodaro Nyamuteka.

Chitaitai aida mendenenzi ye$1 900 yevana vaviri asi Nyamuteka akati anokwanisa kubhadhara $600 achipa chikonzero chekuti anotambira $1 300 pamwedzi.

Nyaya iyi yakanzi ichazoende­rera mberi nekutongwa kana Nyamuteka aunza magwaro emari yaanotambi­ra kubva kubasa kwake.

Nyamuteka akazoburit­swa mudare nechisimba nemapurisa mushure mekunge aramba achipopota achiti mudzimai uyu aingoda kumupfidzi­sa bedzi.

“Kana ndikabvisa mendenenzi anoda kuzotsvaga musikana webasa kuitira kuti iye azosasana neshamwari dzake achisiya vana vangu vari voga,” akadaro achidaidzi­ra mudare iri.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe