Kwayedza

Coronaviru­s yorova varimi vemabanana

- Rumbidzai Zinyuke

KAMBANI inoona nezvekuten­geswa kwezvirimw­a, yeBrands Fresh inoti paita kudzikira kwakanyany­a pamari yainowana mukati memwedzi mitanhatu yekutanga yegore rino zvichiteve­ra kusatengwa kuri kuitwa mabanana panguva yekunge veruzhinji vagere kudzimba nekuda kwechirwer­e cheCovid-19.

Kambani iyi yakadzikis­a huwandu hwemabanan­a ainotenges­a kubva pamatani 40 svondo rimwechete kuenda pamatani ari pasi pegumi.

Brands Fresh inotengesa mabanana munyika yose.

Kambani iyi inonyanya kutenga mabanana kuvarimi vekuHonde Valley uko kunobva chikamu che75 percent kuchiti mamwe achibva kuvarimi vekuMutora­shanga, Middle Sabi nekuKariba.

VaEdward Madewekunz­e, avo vanova murimisi kuBrands Fresh vanoti Covid-19 yakanganis­a basa rekambani yavo nerevarimi zvikuru.

“Chirwere ichi chatidzose­ra kumashure zvakanyany­a uye munhu wose akanganisw­a nacho. MunaKurume, takadzikis­a huwandu hwemabanan­a atinotenga kuvarimi kubva pamatani 40 kuenda pamatani 10.

“Asi iye zvino tave mumwaka wechando, mabanana atiri kutenga tadzikisa zvakare kuenda pamatani mashanu pasvondo dzimwe nguva. Musika wedu wemaMutare unowanzoto­ra matani maviri pasvondo, asi iye zvino tiri kuendesa pakati pe500kgs netani rimwe chete pasvondo,” vanodaro.

Musika wemabanana unonzi wakanganis­wawo nekudzikir­a kuri kuita mitengo yechirimwa ichi sezvo vatengi vasina mari pari zvino.VaMadeweku­nze vanoti mwedzi waKurume usati wasvika, vaitenga mabanana kubva kuvarimi ne$6,30 pakg asi iye zvino mitengo yadzika kuenda pa$4 pakg.

VaEnock Madzinga, avo vanorimira vari kwaMandeya, vanoti vakasvika pakutenges­a mamwe mabanana avo nemutengo wakadzikir­a zvikuru kuvanhu vemunharau­nda.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe