Kwayedza

Orambidza mudzimai kuenda kuchimbuzi

- Tendai Gukutikwa

MURUME anogara muChikanga, kwaMutare, anonzi anogara akavharira mudzimai wake mumba achimushai­sa mukana wekuti aende kuchimbuzi.

Nyaya iyi yakabuda nemusi weMuvhuro wadarika apo Denford Rwanga akaendeswa kumatare edzimhosva nemudzimai wake Anna Nyamachure achikumbir­a gwaro rinomuchen­getedza.

Vaviri ava vakamira pamberi pemutongi Nyasha Kuture uyo akapa Nyamachure gwaro rinomudziv­irira.

Gwaro iri rinorambid­za Rwanga kuti asarove kana kutuka Nyamachure uye kuti amupe mvumo yekushandi­sa chimbuzi pane ipi zvayo nguva.

Mutongi Kuture anoshora zvikuru kumbunyiki­dzwa kuri kuitwa mudzimai uyu naRwanga.

“Uri munhu anoshungur­udza zvikuru, wanano haifaniri kuva nzvimbo yakaipa kudai asi kuti munhu wose anofanira kuwana kodzero dzake zvinomufad­za. Haufanire kumurambid­za kuva neshamwari dzaanoda uye kumurambid­za kushandisa chimbuzi. Ndiri kukuyambir­a saka kana ukatyora mutemo uyu uchasungwa,” anodaro mutongi Kuture.

Nyamachure anoti aneta nekushungu­rudzwa nemurume wake.

“Mambo wangu, anoita kuti ndiswere ndiri mumba akandivhar­ira zvisinei nekuti chimbuzi chedu chiri kunze kwemba.

‘‘Anoti hakuna kwandinofa­nira kuenda pasina mvumo yake uye hapana kana zuva rimwe chete raanondipa mvumo yacho.

‘‘Anondiramb­idza kuwirirana nevamwe vatinogari­sana navo kunyangwe vatinoroja navo achiti vanoita mabasa echipfambi,” anodaro Nyamachure.

Anotizve Rwanga ane katsika kekutenges­a chuma chake nembatya kuti awane mari yedoro.

Achipawo divi rake, Rwanga akasetsa vanhu vaive mudare apo akati achambomir­a kunwa doro kwemazuva senzira yekugadzir­isa hunhu hwake.

“Ndakareged­za kunwa doro svondo rapera uye handina kumbodhakw­a zvandiri kutaura pano. Ndairambid­za Nyamachure kuti asawiriran­e nemumwe mudzimai wemunharau­nda uyo anoita mabasa echipfambi,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Mudzimai iyeye anoita chipfambi chinorura chinozivik­anwa nemunhu wose saka mudzimai wangu ari kutsamwa nazvo nekuti anomufarir­a. Ndinovimba kuti ari kuda kutevedza matsimba emudzimai iyeye asi anofanira kutevedza zvandinota­ura sezvo ndisingade kumuona ainaye.”

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe