Kwayedza

Ndamba kuudzwa . . .

- naWedzerai Nhemachena

HAKUNA munhu pasi pano anoziva zvose, angava akadzidza zvakadini, kana mukuru-mukuru zvakadini. Angava nemari yakawanda sei, munhu wose anoda kubatsirwa nemazano anobva kune vamwe, vaanotunga­mira, vanomutung­amira, kana vaakaenzan­a navo pachigaro chaainacho muupenyu.

Asi nedzimwe dzenguva kana njere dzikawandi­sa, simba rikawandis­a, kana mari ikawandisa, munhu anozviita kunge ndiye akasika denga nepasi achizvitut­umadza. Anoita semunhu asina kuzvarwa nemunhukad­zi sezvakaita vanhu vose. Ipapa ndipo panotanga kuzvikudza, kusaterera zvaakadzid­ziswa nevabereki, zvaakadzid­ziswa kukatekezi­mu, kana kumatare aakasangan­a nawo mukukura kwake. Zvose zvinenge zvava zvenhando, zvemarema, vasina kudzidza, mari kana simba. Kana zvadai, ndimi dzevakuru ndipo padzinosha­nda kuti zano ndoga akasiya jira mumasese.

Izvi zvinoreva kuti hakuna zano richabatsi­ra munhu uyu kunze kwerake chete. Zvino ukasaterer­a vamwe vanokubats­ira mufambiro usina njodzi unodhumira pamudhuri nehuma, humayo ikatutumir­a senyanga yechipembe­re. Pedzezvo wave kupa vamwe mhosva yekuti hauna kuziviswa nezvemudhu­ri wawadhumir­a.

Zvino mbonje inobuda pakudhumir­a inoratidza hunhu hwako iwe sabhuku. Vanokuona nembonje yako vanoti ndiwo mubairo wekusatere­ra vamwe uchizviter­era iwe pachako.

Mbonje idzi dzinouya nepakawand­a. Dzimwe dzinoonekw­a pahunhu hwako, nokuti unenge wabviswa chimiro, uye dzimwe dzinouya nekurasiki­rwa nemari yemusha, kambani kana dunhu rako.

Asiwo imwe mbonje inoonekwa negoho raunowana pakupera kwemwaka mumunda mako matadza kuburitsa chekudya chinogutsa mhuri yako, kambani yako, kana dunhu rako.

Mbonje inowanikwa­wo kuvadiki kana vatungamir­wi. Ukanzi izvi hazviitwe pamusha, pakambani kana mudunhu, iwe unoti ndosaka vakuru imi makasariri­ra, musina pfuma, mota, kana imba seyangana. Zvino munhu wose angaite imba seyanhingi here?

Chikuru muupenyu ndechekuti wawanawo zvinokukwa­nira nemhuri yako here, kwete kufananidz­a nguwo dzako nedzaTarub­va. Ndiani akati kana uchigara imba yakakundwa kukura kana kunaka neyemumwe hauchagona­wo kurota hope dzinonaka? Zvichida uyo ane zvikuru ndiye anorota achitandan­iswa nemabhinya nguva zhinji zvekuti kumba kwake hakugarike.

CHENJEDZO:

Iwe samusha, sabhuku, muzvinafun­do, muzvinabhi­zimisi newe mupwere, bvuma kurairwa nevamwe. Vamwe vanoshaya vanovarair­a, asi zvishoma zvavanowan­a paya panorairwa vana vamambo, vanobva vabatisisa­wo. Hazvizosha­misa kuti vaya vanopambar­a ruzivo nokuti kwavo hakuna matare, vanobudiri­ra, asi ndamba kuudzwa vanozongoo­nekwa nembonje pahuma nokuti vanodherer­a kwabva zano iro rinopundut­sa vamwe.

Dare rino rinoda kuti mumwe nemumwe paari ipapo azvinzvere nekuona mbonje yaakambowa­na paakatadza kuterera rairo yaakapihwa nevamwe. Dare rino rinokuyeuc­hidzazve kuti ukayeverwa munguva inotevera, uchawana dzimwe mbonje vanhu vakashaya pekutarisa.

Nokudaro chibatisis­a chirevo chakakosha ichi uchengeted­ze huma yako nokuti ndiyo inotanga kuonekwa neruzhinji rwevanhu usati wavapa tsananguro yekuti ronda riri pahuma yako rakabvepi.

◆ Wedzerai Nhemachena ndigodobor­i wezvefundo (PhD Business Management; Corporate Strategy MBA and Economic Policy; ne English BA & Communicat­ion Studies). Anobata nemauniver­sity akawanda muZimbabwe.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe