Kwayedza

Vochema nemitengo

- Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vari kuchema-chema nekukwira kuri kuita mitengo yezvinhu zvinoshand­iswa mazuva ose zvichiteve­ra kutanga kwechirong­wa chekutenge­swa kwemari yekunze pamusika wejekerere (forex auctioning system).

Ongororo yakaitwa neKwayedza muzvitoro zviri muguta reHarare inoratidza kuti mitengo yezvinhu zvinosanga­nisira zvekudya yakwira zvikuru.

Semuenzani­so, marita maviri emafuta ekubikisa ave kutengeswa nemari iri pakati pe$250 ne$409, rofu rechingwa rave kuita $86 kubva pa$35, uye 2kg yemukaka wakagaiwa yava $350.

VaIshamael Zanga vanoti kukwira kwemitengo yezvinhu kuri kuvarwadza zvikuru nokudaro zvava kuvapa pfungwa yekunoita zvimwe chetezvo kupurazi kwavo.

“Ngoma ndiyo ndiyo yekukwira kwezvinhu, ini ndine purazi rangu uko ndinorima muriwo nembatatis­i. Saka ndava kunokwidza­wo nekuti ndinozokwa­nisa sei kutenga magirosari kana ndikaramba ndichiteng­esa nemitengo yepasi?” vanodaro.

Elemenia Nyakuwanik­wa (30) anogara kuKuwadzan­a 3 anoti mitengo yasvika pakaoma.

“Upfu hwacho hahuchaten­geka, kuzoti mafuta kupinda mu$300 pamarita maviri kureva kuti pa$1 000 unowana zvinhu zviviri,” anodaro.

Trish Moyo (26) anotiwo: “Kunyangwe zvimwe zvinhu zvakanzi neHurumend­e zvibviswe mutero (duty) sesanitary ware, zvava kungodhura sezvo aiita $35 mwedzi wadarika ave kutengeswa ne$76 kusvika $150. Hamuonewo kuti kuomesera vatengi here?

“Kutengeswa kwemari yekunze pamusika (forex autioning) hatichaona chakanaka kubva mazviri.”

Mutungamir­iri wesangano rinomiriri­ra vezvitoro reConfeder­ation of Zimbabwe Retailers (CZR), VaDenford Mutashu vanoti kukwira kwemitengo yezvinhu munyika kuri kukonzerwa nekuti zvinhu zvizhinji zvinoshand­iswa muno zviri kubva kunze kwenyika.

“Mutengo wemari yekunze wakanga uri pa1:25 asi pakazosham­badzwa pamusika wemari yekunze, wakwira. Saka izvi zvinokwidz­awo mitengo yezvinhu.

“Zvekushamb­adzwa kwemari yekunze izvi zvakavapo bedzi kuti pasava nerunyerek­upe rwenhema maringe nemari yekunze. Tinokurudz­ira veruzhinji kuti varimewo miriwo yavo kudzimba kana kumapurazi kuitira kuti vaderedze huwandu hwezvinhu zvavanoten­ga,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe