Vochema nemitengo
VERUZHINJI vari kuchema-chema nekukwira kuri kuita mitengo yezvinhu zvinoshandiswa mazuva ose zvichitevera kutanga kwechirongwa chekutengeswa kwemari yekunze pamusika wejekerere (forex auctioning system).
Ongororo yakaitwa neKwayedza muzvitoro zviri muguta reHarare inoratidza kuti mitengo yezvinhu zvinosanganisira zvekudya yakwira zvikuru.
Semuenzaniso, marita maviri emafuta ekubikisa ave kutengeswa nemari iri pakati pe$250 ne$409, rofu rechingwa rave kuita $86 kubva pa$35, uye 2kg yemukaka wakagaiwa yava $350.
VaIshamael Zanga vanoti kukwira kwemitengo yezvinhu kuri kuvarwadza zvikuru nokudaro zvava kuvapa pfungwa yekunoita zvimwe chetezvo kupurazi kwavo.
“Ngoma ndiyo ndiyo yekukwira kwezvinhu, ini ndine purazi rangu uko ndinorima muriwo nembatatisi. Saka ndava kunokwidzawo nekuti ndinozokwanisa sei kutenga magirosari kana ndikaramba ndichitengesa nemitengo yepasi?” vanodaro.
Elemenia Nyakuwanikwa (30) anogara kuKuwadzana 3 anoti mitengo yasvika pakaoma.
“Upfu hwacho hahuchatengeka, kuzoti mafuta kupinda mu$300 pamarita maviri kureva kuti pa$1 000 unowana zvinhu zviviri,” anodaro.
Trish Moyo (26) anotiwo: “Kunyangwe zvimwe zvinhu zvakanzi neHurumende zvibviswe mutero (duty) sesanitary ware, zvava kungodhura sezvo aiita $35 mwedzi wadarika ave kutengeswa ne$76 kusvika $150. Hamuonewo kuti kuomesera vatengi here?
“Kutengeswa kwemari yekunze pamusika (forex autioning) hatichaona chakanaka kubva mazviri.”
Mutungamiriri wesangano rinomiririra vezvitoro reConfederation of Zimbabwe Retailers (CZR), VaDenford Mutashu vanoti kukwira kwemitengo yezvinhu munyika kuri kukonzerwa nekuti zvinhu zvizhinji zvinoshandiswa muno zviri kubva kunze kwenyika.
“Mutengo wemari yekunze wakanga uri pa1:25 asi pakazoshambadzwa pamusika wemari yekunze, wakwira. Saka izvi zvinokwidzawo mitengo yezvinhu.
“Zvekushambadzwa kwemari yekunze izvi zvakavapo bedzi kuti pasava nerunyerekupe rwenhema maringe nemari yekunze. Tinokurudzira veruzhinji kuti varimewo miriwo yavo kudzimba kana kumapurazi kuitira kuti vaderedze huwandu hwezvinhu zvavanotenga,” vanodaro.