Kwayedza

Idai mari yenyu, kwete yevamwe

-

NYAYA yevamwe vezvitoro nevemabhiz­imisi vari kuramba kutambira mari yemuno yakanzi “Bond Note” angave ma$2 kana $5 yanetsa zvikuru zvisinei nekuti bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) rinoti mari yose iyi ichiri kushanda.

Kune vamwe vemabhizim­isi zvakare vari kuramba kutambira mari yemusvo (coins) yema$1 nema$0,50c.

Izvi zviri kuita kuti veruzhinji vaomerwe nekuti havana imwe mari kunze kweiri kurambwa iyi.

Mari iyi yakatanga kurambwa masvondo adarika zvichiteve­ra mashoko emanyepo aifambiswa nedzimwe nhubu pamadandem­utande anosangani­sira WhatsApp ekuti haichashan­da kana kuti yave mazuda.

Izvi zvakaita kuti izivise nyika kuti mari iyi ichiri kushanda RBZ uye imhosva kuramba kuitambira kana munhu achida kuishandis­a kutenga zvinhu zvakasiyan­a.

Kusvika pari zvino kune vashandi vemabhizim­isi akasiyana vashanu vakatosung­wa uye ndokumiswa mumatare edzimhosva mushure mekunge varamba kutambira mari iyi.

Vashanu ava vari kutongwa nemhosva yekutyora mutemo weBank Use Promotion and Suppressio­n of Money Laundering Act.

Kune vamwe zvakare vanamuzvin­habhizimis­i vakazvimir­ira, zvikuru vezvitoro zvinotenge­sa magirosari, vari kuti kana munhu achida kutenga nemari yakanzi “Bond Note” vanomuchaj­a mari yakawanda.

Semuenzani­so, chinhu chinenge chichiita $20, munhu anonzi awedzere imwe $5 zvinoreva kuti mutengo wacho unenge wave $25. Uku kubirana kuri pachena.

Sekutaura kwevakuru veRBZ, veruzhinji vanofanirw­a kumhan’arira vanamuzvin­habhizimis­i vari kuita katsika kekuramba mari yakanzi iyi.

Dambudziko iri rasvika kunyangwe kumisika inotengesw­a muriwo nematomati­si uko vamwe vari kuramba kutambira mari iyi zvakare. Zvinotosha­misa kuona vanhu vachiramba mari yemunyika yavo. Mamwe ematambudz­iko akadai vanhu vari kungozvigo­kera voga nekuti zvakangofa­nana nekuzvisik­ira moto muziso.

Hurumende pari zvino iri mushishi yekuvandud­za upfumi hwenyika, kusanganis­ira chikamu chezvemari nekudaro inobudirir­a bedzi kana veruzhinji vakatsigir­a matanho ari kutorwa aya.

Mari yemuno inotopihwa hukoshi nevanhu vemunyika muno kwete kuitarisir­a pasi kana kuizvidza.

Kune dzimwe nyika sekuChina, vanhu veko vanodada nemari yavo uye kana ukada kutenga chinhu kuzvitoro zveko uchishandi­sa US$ vanoramba vokuudza kuti enda kubhanga unochinjis­a wopihwa mari yeko.

Zvakakosha kuti vanhu vemuZimbab­we vadade nemari yavo uye vave nechivimbo nayo kwete kuzvinyeng­edza nemari yekunze inotsvedza sehove vasingafun­giri.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe