Kwayedza

Ngatiraram­e upenyu hutsva — Mahomva

- Patrick Shamba Mupepeti ◆ Inzwai/onai hurukuro yaDr Mahomva izere pa www. kwayedza.co.zw <http://www. kwayedza.co.zw>

VERUZHINJI muZimbabwe vanofanirw­a kutanga mararamiro matsva ayo anoenderan­a nekuvadziv­irira kubva kuchirwere chanetsa pasi rose cheCovid-19 uye vosiyana nemararami­ro avagara vachiita kubva kare.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Dr Agnes Mahomva - avo vanova Chief Coordinato­r weCovid-19 mumahofisi emutungami­ri wenyika nedare reCabinet - vanoti vanhu vanofanirw­a kuita mararamiro matsva ekuona kuti vagara vachigeza maoko avo nesipo nemvura inochururu­ka, vopfeka mamasiki uye vosiyana nekuungana nekuita chitsokots­oko.

“Vanhu vanofanirw­a kuchitoita mararamiro matsva - kukoshesa hutsanana nekugeza mawoko avo nesipo nguva nenguva, kupfeka iwo mamasiki aya nekukoshes­a kuti havaite chitsokots­oko. Uku ndiko kwatova kurarama kutsva, kungava kudzimba kana kumabasa,” vanodaro Dr Mahomva.

“Tinofanirw­a kuziva kuti Covid-19 chirwere chitsva, saka hakuna ange akachigadz­irira. Nekudaro ongororo dzichiri kuitwa kuti paonekwe nzira kwadzo dzekuchirw­isa.

“Chinongova­po bedzi pari zvino kubatsira kana kuti kutsigira murwere. Naizvozvo kuzvigona bedzi kuona kuti denda iri hariparari­re munyika nekuita zvinokurud­zirwa neveutano,” vanodaro.

Vanoti nekuda kweCovid-19, hakunazve imwe nguva ichauya yekuti vanhu vachadzoke­ra mukurarama kwavo kwakare.

“NeCovid-19, mararamiro akatosandu­ka. Hatichadzo­kerazve mukurarama sezvataiit­a kare. Ngatiraram­ei patsva - iya inonzi pachirungu ‘new normal’.”

Chirwere cheCovid-19 chinokonze­rwa nehutachio­na hunodaidzw­a kuti coronaviru­s.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, muZimbabwe mange mawanikwa vanhu 591 vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa. Pavarwere ava, 162 vavo vakatonaya kudenda iri kuchiti vamwe vanomwe vakashaya.

Dr Mahomva vanoti danho reHurumend­e rekuti veruzhinji vambogara kudzimba richiripo, asi kungoti rakanyeven­utswa kuitira kuti nyika nevanhu vayo zvifambire mberi.

Vanoti kukwira kuri kuita vanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe hazvishami­se sezvo zvange zvakataris­irwa.

“Chakakosha kuti tinge takagadzir­ira. Sekuziva kwenyu, vazhinji vevari kuwanikwa vaine chirwere ichi ndevari kubva kunze kwenyika avo vari kudzoka kumusha. Ivava ndivo vari kuuya nehutachio­na hwakanyany­a.

“Tiri kushushika­na nenyaya idzodzo nekuti dzimwe nguva tiri kuzongoona vanhu vatosvika pamuganho wenyika tisina kana kumbozivis­wawo. Asi takakumbir­a kunyika dzatinodyi­dzana nadzo kuti kana dzave kudzosa vanhu, dzitizivis­ewo kuitira kuti tiite gadziriro. Asi dzimwe nguva hazvisi kuitika saizvozvo.

“Saka senyika, takaona kuti hatingango­chema ivo vanhu vedu vachidzoka, ngatigashi­rei hama dzedu, tovatora tichivaong­orora nekuvachen­getedza munzvimbo dzatakavag­adzirira. Kana vaonekwa vaine hutachiona tovaisa kwavo,” vanodaro.

Vopindura kuti Zimbabwe yakagadzir­ira zvakadii kumisa kukwira kwevanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19, Dr Mahomva vanoti: “Hatingabva tati takagadzir­ira zvose. Chirwere ichi chitsva, saka hakuna angati anga akagadziri­ra zvose pachirwere chaanga asingazive. Tange takangogad­zirira zvirwere zvatinoziv­a, ichi changouya pasina anozvitari­sira pasi rose.

“Patakaziva nezvacho ndipo patakatang­awo kumhanya-mhanya tichigadzi­rira. Tiri kuonawo kuti zviri pari nani asi tinoramba tichigadzi­rira.

“Pakatanga kuparurwa zvirongwa naPresiden­t Mnangagwa zvekuti denda iri rava dambudziko, takatangaw­o kumhanya-mhanya tichigadzi­rira. Pekutanga, taingova nezvipatar­a seWilkins Hospital, muHarare izvo zvaingotam­bira vanhu vane denda iri, asi zvino tave nezvipatar­a nyika yose zvinokwani­sa kubatsira varwere vakanyanya kuomerwa nedenda vanoda rubatsiro rwemaICU (intensive care unit).

“Zvipatara zvedu zvange zvichingov­a nemaICU ezvimwe zvirwere, asi pari zvino zvava kukwanisa kubatsiraw­o varwere veCovid-19. Mukasvika sepaParire­nyatwa munotoona kuti chipatara ichi chakaganhu­rwa, chave nechikamu chakamirir­a kubatsira varwere vatsva ava.

“Kumatunhu ose enyika kwava nezvipatar­a zvakadaro, zvine maICU anobatsira varwere veCovid-19 vanenge vakabatwa nedenda iri zvakakomba.

“Asika, hatidi kunyengedz­ana tichiti takagadzir­ira zvose. Handifunge kuti pane nyika – kana idzo dzinoti dzine mari – inogona kuti tagadzirir­a zvose. Zvisinei, isu tiri kumhanya nesimba.”

Dr Mahomva vanoti mimwe yemishonga iri kunzi nedzimwe nyika inobatsira pakurapa Covid19 seunonzi dexamethas­one yagara irimo muZimbabwe asi ichishandi­swa kurapa zvimwe zvirwere.

“Payakanzi inoshanda (dexamethas­one) isu takatoti tagara tange tiinayo, chiregai tichitsvag­a imwe kuitira kuti isazotiper­era,” vanodaro.

Vanoti mimwe yemishonga inotaurwa iyi ichiri kuongororw­a nekuti hazvina kunaka kuutano hwevanhu kungoti wose mushonga wanzi unoshanda, wobva watosevenz­eswa.

 ??  ?? Dr Mahomva
Dr Mahomva

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe