Kwayedza

Vechidiki voita mabhindauk­o

- Kingstone Mapupu

CHIKAMU chevechidi­ki mubato riri kutonga reZANU PF kudunhu reMashonal­and East chiri kusimudzir­a raramo yevechidik­i vanodarika 40 000 kuburikidz­a nemabhinda­uko emawoko panguva iyo veruzhinji vari kukurudzir­wa kuti vagare kudzimba senzira yekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

Muhurukuro neKwayedza, Cde Evidence Masekeni (33), avo vanova munyori kuchikamu chinoona nezvekuche­ngetedzwa kwezviwani­kwa nekushanyi­rwa (secretary for environmen­t and tourism) mubato iri kuMashonal­and East vanoti vari kuvandudza raramo yevechidik­i mudunhu iri.

“Kubva pakatanga kunzi vanhu vagare kudzimba, isu sevatungam­iri veZANU PF muno muMashonal­and East hatina zororo nekufamba tichiona kuti vechidiki vari kurarama sei. Izvozvi takatarisa­na nevechidik­i vanodarika 40 000 vatiri kubatsira mumabasa akasiyana,” vanodaro Cde Masekeni.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Kunzi garai kudzimba kwakarehwa neHurumend­e hakurevi kuti vanhu voswera vakarara kana kuti vakatambar­ara mudzimba nekuti tikadaro tinofa nenzara. Mwedzi mitatu yatagara kudzimba iyi kwaitwa mabasa anotyisa ekuzvisimu­dzira mudunhu reMashonal­and East. Tiri kurima mapindu maSeke, kuChivhu, kwaMurehwa, kuGoromonz­i, Mudzi, Hwedza, Nyamapanda, kuBeatrice nekumwe.”

Vanoti vari kuomesa zvimwe zvirimwa kuita mifushwa izvo vanozoteng­esa.

“Takaona kuti vechidiki vari kurima zvirimwa zvakaita semuriwo, matomatisi, derere nezvimwe izvo panguva ino zvakawanda zvikuru. Saka nekuda kwenyaya yekuvandud­za zvirimwa (value addition) takatsvaga michina yekuomesa ungava muriwo kana matomatisi nezvimwe tichiita mifushwa iyo tinotenges­a kuzvitoro zviri kuHarare, kuMaronder­a kana kuChivhu,” vanodaro Cde Masekeni.

Vanoti vamwe vechidiki vari kuita mabhindauk­o anosangani­sira kukanya zvidhinha, kuruka waya nekupfuya huku vachitenge­sa.

 ??  ?? Cde Evidence Masekeni vachiratid­za muriwo uri kurimwa nevamwe vechidiki kwaSeke.
Cde Evidence Masekeni vachiratid­za muriwo uri kurimwa nevamwe vechidiki kwaSeke.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe