Kwayedza

Manesi ekuChitung­wiza obhadharis­a US$

- Muchaneta Chimuka

VAGARI vekuChitun­gwiza vari kunyunyuta nezviri kuitwa nevamwe varapi veko - kunyanya vepaSt Mary’s Clinic - avo vavanoti vari kuvabhadha­risa mari dzesikero kana kuti dzekubaisa vana majekiseni izvo zvinofanir­wa kuitwa pachena.

Vabereki vakakuruku­ra neKwayedza vanoti vamwe vana mukoti vepakirini­ki yekanzuru iyi vanoda mari iri pakati peUS$5 kusvika US$7 kuti mwana atorwe sikero kana kubaiwa majekiseni ekudziviri­ra zvirwere.

“Kubvira ndichienda nemwana ku6 weeks, manesi anongondit­i tangai mabhadhara US$5 kana US$7. Ini nekushaya mari iyi, ndinongodz­okera nemwana kumba nevamwe vanamai vanoshaya seni.

“Nhasi chaiye (nemusi weMuvhuro svondo rino) ndaenda zvekare nemwana manesi vakatodaid­zira kuti vasina mari iyi ngavadzoke­re zvavo kumba. Ndatosiya pakiriniki apa paine mutsetse wakareba uri kubuda kugedhi apo vabereki vakangomir­a vachiratid­za kupererwa. Kutaura chokwadi mari hatina uye iri kunetsa kuwana,” anodaro mumwe wemadzimai aya uyo asina kusununguk­a kudurwa nezita rake.

Anoti vakasvika pakuzivisa nhengo dzesangano reChitungw­iza Residents Trust sezvo achiziva kuti zvirongwa zverudzi urwu zvinofanir­a kuitwa pachena.

Kune mutemo unoti vana vose vemakore ari pasi pemashanu ekuberekwa, pamwe chete nevakwegur­a avo vane makore anobva pa60 zvichikwir­a vanofanirw­a kurapwa pachena.

“Zvinorwadz­a kuti Hurumende yakaisa mutemo wekuti vana vose vari pasi pemakore mashanu vanofanirw­a kurapwa pachena asi makiriniki ekuno ari kuita zvinopokan­a naizvozvo. Izvi zviri kuisa vana vedu panjodzi yekubatwa nezvirwere izvo zvinofanir­a kunge zvichidziv­irirwa.

“Nekuti zvirwere zvakaita semhetamak­umbo, gwirikwiti, rurindi nezvimwe zvikasadzi­virirwa nenguva injodzi kumwana,” vanodaro amai ava. Vopindura mibvunzo yeK

wayedza, Dr Tonderai Kasu, avo vanova mukuru wezveutano mukanzuru yeChitungw­iza, vanotsinhi­ra kuti vakanzwa nezvenyaya iyi uye vari kuita ongororo.

“Nyaya yevabereki vari kubhadhari­swa mari pane imwe kiriniki yedu yekuSt Mary’s takainzwa nezuro (Muvhuro). Tiri kuita ongororo tichishand­a pamwe chete neveZimbab­we Anti-Corruption Commission nekuti kuita uku imhosva huru. Chakakosha kuti tibate umbowo tobva tatora matanho akakodzera,” vanodaro Dr Kasu.

Votaurawo nezvenyaya iyi, Dr Gibson Mhlanga - avo vanova Preventati­ve Services Chief Director uye vakafanoba­ta chigaro chemunyori mukuru kubazi rezveutano nekurerwa kwevana - vanoti sikero yevana haibhadhar­iswe.

“Vana havafanire kubhadhari­swa sikero, zvose zvinofanir­a kuitwa pachena nerutsigir­o rweHurumen­de,” vanodaro Dr Mhlanga.

Kuchiti director weChitungw­iza Residents Trust, Alice Kuvheya anotiwo ibasa ravo rekumiriri­ra vagari vedhorobha iri kuti kodzero dzavo dzisatyorw­a.

“Kodzero yeutano iri mubumbiro remutemo renyika nekudaro kubhadhari­sa vana sikero kutyora kodzero dzavo uye tinonamata kuti vapari vemhosva dzakadai vatarisane nemutemo. Tabatikana nechiikiko ichi nekuti hazvikodze­re kuti vakoti vatengese mishonga yesikero uye tinokurudz­ira kanzuru kuti ipindire nezviri kuitika mumakirini­ki ayo,” anodaro.

Anokurudzi­ra vamhan’ari venyaya dzerudzi urwu kuti vatore umbowo kana kubata sangano ravo panhare dzinoti 0713 320 005.

 ??  ?? Dr Kasu
Dr Kasu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe