Kwayedza

Kunzwisiza nezvemutem­o maringe neroora muZim

- Danai Chirawu

NOMUSI wa12 Chikumi 2020, bepanhau reThe Herald rakanyora nyaya ine musoro unoti 'Mutemo Mutsva Weroora' zvinova zvakapa mitauro yakasiyana mudzimba zhinji muZimbabwe nekuda kwetsika nemagariro zvakasiyan­a maringe nekubviswa kweroora.

Izvi zvakatipa mukana wekuti tinge tichitaris­a zvinhu zvakawanda zviri maringe nenyaya dzewanano muZimbabwe uye kusanduka kuri kuita mitemo.

Pari zvino mitemo yewanano iri kuitwa gakava mudare reSanate mushure mekupasisw­a muNational Assembly mumasvondo mashoma adarika.

Mugore ra1982, mutemo unoona nezvevabva zera (Legal Age of Majority Act) wakadzikwa izvo zvakaita kuti utambirwe neveruzhin­ji apo pakaonekwa kuti kana munhu achinge asvitsa makore 18 ekuberekwa anenge ava kuonekwa seabva zera ava kuzvimirir­ira kodzero dzake kana kupinda muwanano uye kukwanisa kutenga midziyo yake.

Mushure memakore maviri, mugore ra1984, dare reSupreme Court rakatsanan­gura nezvemutem­o uyu panyaya yaKatekwe vs. Muchabaiwa richiti madzimai haachafani­ri kunge vachida rubatsiro rwemunhu mukuru sezvo vaine kodzero dzavo. Kureva kuti vanababa vakashaisw­a masimba ekureva mari dzedhemeji kana mwana wavo achinge asvitsa makore 18 ekuberekwa nekuti anenge ava nemasimba ekuzvimiri­rira.

Izvi zvakashais­a vanababa masimba ekureva roora kana kupa mvumo yekuti mwana wavo ange achiroorwa.

Chimiro ichi chakashami­sa vazhinji zvisinei nekuti chivanhu netsika nemagariro zvinotaris­ira kuti mudzimai ange achiroorwa mushure mekunge vabereki vatenderer­ana nazvo.

Sanduko idzi dzakaitika muna1982 dziri kutarisirw­a kuti dzinge dzichiitwa mumitemo yewanano yechivanhu. Mugore ra2019, Paramende yakazivisa kuti nyika ichange ichifambir­a mberi nerwendo rwekusandu­ra mitemo yewanano kuti inge ichifambir­ana nezviri mubumbiro remutemo pasina rusarura senzira yekuona kuti madzimai nevarume vawaniswa kodzero dzakaenzan­a.

Mutemo usati wadzikwa unopinda muzvikamu zvakasiyan­apadandemu­tande siyana kuParamend­e, veruzhinji vopawo pfungwa dzavo uye kana uchinge wabvumwa, mutungamir­iri wenyika anozopa pfungwa yekupedzis­ira kuti Bill ringazoitw­a mutemo here kana kuti kwete.

MuZimbabwe, Marriage Bill richiri kuzeyewa muParamend­e. Chinangwa cheMarriag­e Bill ndechekuen­zanisa mikana pakati pevarume nemadzimai uye kuchereche­dzwa kwewanano dzakasiyan­a.

Mutemo wewanano uripo haunei neroora asi kuti vanhu vanokwanis­a kuenda kunonyores­a wanano yavo kana vachibvumi­rana.

Chinodiwa bedzi kubhadhara mari yeraisenzi (license) inobhadhar­wa kudare reMagistra­tes Court iri pedyo nemi pasina kubvunza kuti roora rakabviswa here kana kuti kwete zvinova zvine musiyano newanano yechivanhu. Zvinodiwa mukunyores­a wanano: Wanano inofanira kunyoreswa mudunhu rinogara mudzimai. A. Mubereki kana anenge atumwa

anofanira kunge aripo

B. Vabereki vanofanira kunge

vabvumiran­a neroora rakabviswa C. Roora zvikuru sei “rusambo kwete tsvakirai kuno" runofanira kunge rwakabvisw­a rwakakwana D. Murume anofanira kubvisa mari

yekunyores­a wanano

E. Wanano yechivanhu inofanira kunge yakanyores­wa kuitira kuti kana vabereki vakaramba kubvumiran­a newanano yacho. * Tumirai mhinduro dzenyu rinoti zwla@zwla.co.zw .Tarisirai chimwe chinyorwa mubepanhau reKwayedza nomusi weChina.

Panyaya dzemhirizh­onga chayai nhare paToll free nhamba dzinoti 08080131: Hotline 0782900900 Rangarirai kupfeka mamasiki nekuita zvese zvine kutsvinda kuti mudzivirir­e chirwere cheCovid-19.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe