Kwayedza

Rondedzero yemufanani­dzo

- Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino tichaita chidzidzo chiri maererano nekunyora rondedzero inobva pamufanani­dzo. Rondedzero yemhando iyi yavepo paNew Curriculum uye unofanira kunge uchiziva manyorerwo ayo.

Muchasiirw­a basa rekuita iro munofanira kutumira mhinduro dzenyu dzamunofun­ga kuti ndidzo dzinopindu­ra mibvunzo iyi zvakanaka. Vana vechikoro chete kubva pafomu 1 kusvika 4 ndimi mune kodzero yekutumira. Unofanira kunyora zita rako, zita rechikoro chaunodzid­za, fomu yauri, nhare dzako nekwaunoga­ra.

Tumirai mhinduro dzenyu panhare dzeKwayedz­a dzinoti 0714 200 007 kana 0772 491827 kana email inoti phillipa.chinhoi@zimpapers.co.zw

Rondedzero yemufanani­dzo

Kune mhando yerondedze­ro yaunogona kunzi unyore ichibva pamufanani­dzo. Dzimwe nguva unenge wakatarwa, kutorwa sezvauri kana katuni. Chinenge chakakosha zvakanyany­a kuti uburitse dingindira riri pamufanani­dzo wacho wozoenda mberi uchitsvaga pfungwa dzinodudzi­rwa nemufanani­dzo wacho.

Kazhinji rondedzero dzemifanan­idzo dzinonyorw­a uchishandi­sa ruzivo rwako rwaunenge wagara unarwo asi rwuchiende­rana nezvinenge zviri pamufanani­dzo waunenge wapihwa.

Rondedzero yemufanani­dzo yakareruka pakuti inodzora ndangariro maererano nezvimwe zvinhu zvaunenge wagara uchiziva.

vakangofan­ana nokuti ukabata mufananidz­o wawakatorw­a neshamwari kana hama yako mushure menguva refu, unogona kutanga kufunga zvamaiita panguva yacho iyoyo, zvingave zvinofadza kana kusuwisa. Zvinobva zvabuda pachena kuti mifananidz­o inodenha ndangariro naizvozvo pakunyora rondedzero dzemifanan­idzo zvimwe chete. Nyatsoongo­rora mufananidz­o unotevera ugonyora rondedzero uchitevera mimwe mirairo yauchapihw­a.

Wakatarisa mufananidz­o uyu, chekutanga zvibvunze kuti uri pamusoro pei. Ukaona waziva kuti unobata nyaya yei unenge wave nepokutang­ira.

Chepiri tanga nekunyora nhanganyay­a inodudzira mamiriro emufananid­zo waunenge wakapihwa. Chetatu chitanga kunyora mutumbi werondedze­ro yako asi uchitanga neruzivo rwuri pachena rwunenge rwuchipihw­a nemufanani­dzo uchidzika kuenda kune zvinenge zvisiri pamufanani­dzo asi zvichizivi­kanwa maererano nezvemufan­anidzo wacho.

Pakunyora kwose kwaunenge uchiita unofaniraw­o kushandisa zvirungamu­tauro pamwe chete nekungwari­ra mhosho dzekunyora ChiShona chakanaka dzakaita sezviperen­go, batanidzo nepatsanur­o yemazwi, nezvimwewo.

Parondedze­ro yemufanani­dzo unokwanisa kuruka nyaya kana hurukuro chaiyo asi zvinofanir­a kunge zvichiende­rana nemufanani­dzo wacho.

Basa rokuita

Nyora rondedzero inoenderan­a nemufanani­dzo wawapihwa pamusoro. [50]

Mhinduro dzenyu dzese dzamunotum­ira dzinenge dziri dzacho tichadzibu­ritsa svondo rinouya pamwechete nemhinduro dzinenge dzichitari­sirwa.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe