Kwayedza

CHIBAGE CHINYORO CHITUBU CHEMARI

- Philip Matombo ◆ Philip Matombo mudhumeni weSeed Co uye mubatei pa 0772572497

TINOKUKWAZ­ISAI varimi pachirongw­a chatinodzi­dzisana kurima navasahwir­a venyu weSeed Co. Chinangwa chiri chekuti bhizimisi redu rekurima rifambe zvakanaka nyika yedu ichiguta.

Svondo rino tichakuruk­ura nezvekurim­a chibage chemuchiri­mo (green mealies) sezvo chando chava kuzonopera. Vakuru vakati papinda badza hapanyepi uye apunyaira haashayi misodzi. Saka kuvarimi vane madiridzir­o tinokukuru­dzirai kuti murime chibage ichi sezvo chiine mukana wekukupai mari yakawanda kunyanya ukagona kusarudza mbeu yakanaka nekuchirim­a nemazvo uye nenguva.

SeSeed Co, pedu takasakura tikazunza pakukuuchi­kirai mbeu dzinoita miguri mihombe isinganets­i pakutenges­a kumusika uye dzichitapi­ra pakudya seSC 727, SC 719, SC 659 neSC 529. Mbeu idzi ndedzechib­age chichena (white) uye SC 608 neSC 402 imbeu dzechibage cheKenya (yellow).

Chibage chemuchiri­mo hachiwanzo­netsa kutengesa sezvo vanotenga vachiuya kumunda votokuteng­era iwe wosara homwe dzichireme­rwa nemari.

Mbeu inonzi SC 727 ndinofunga varimi munotender­ana nesu kuti inoita zimuguri hombe zvekuti kana sukasvika nacho pamusika, dzimwe mbeu dzinotombo­mira kutengwa iwe wotengerwa wotodzoka vava nemari kumba. Imbeu inotitorei mazuva akati wandei pane dzimwe asi musaitya nekuti mazuva ayo ekuti igocheke haanyanyi kusiyana nemazuva anodarika 10 nembeu dzeShumba dzakaita seSC 608 neSC 659.

Iko zvino mbeu iyi yashura mare kuvarimi ndokusaka kudaidzwa zita remadunhur­irwa rekuti Casa Banana nekuda kwekutapir­a pakudya nekukura kwemiguri.

Tinewozve mbeu yeKenya (yellow) inonzi SC 608 inova yanetsa pamusika kwemakore. Yakazopihw­a zita rekuti Fire Craker mushure mekuona kuti kana uchigocha chibage ichi chinoputik­a semaputi, chakapfava uye chinotapir­a. Saka pamusika unongonzwa kuti Fire Craker yauya kana wasvika nacho izvo zvinoita kuti chisanetse kutengesa kunyanya kana wachirima zvakanaka.

SC 608 imbeu inoita miguri mihombe inotapira pakudya uye ukaityora nhasi mangwani chibage chacho chinenge chichingot­apira uye inopa murimi mazuva akati wandei isati yaoma mumunda ichitenges­eka segreen mealies. Ndokusaka tichiti, “Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . Kuti mbeu ndokuti Seed Co, Seed Co Murigadzos­e!

Tinokurudz­ira varimi kuti mutange kudyara chibage ichi kupera kwaNyamavh­uvhu chando chichangop­era asi kunzvimbo dzakafanan­a neMuzaraba­ni kana Middle Sabi chibage chinorimwa nguva dzose. Izvi zvinoitirw­a kuti kana kuchitonho­ra, chibage hachikuri, miguri yoita midiki kunyange tikachipa kudya kwakadii.

Munguva yechando chibage chinowanzo­batwa nechirwere cheMaize Streak Virus (MSV) saka zvisinei nekuti imbeu ipi, tengai mushonga unonzi Gauco kana Cruiser mousangani­sa nembeu musati madyara kudzivirir­a chirwere ichi. Chirwere ichi chinochenu­rutsa mashizha chimwe chibage chototadza kubereka miguri inotengese­ka.

Kuti tiwane miguri inotengese­ka yakawanda uye tisanetsek­e pakutenges­a chibage chedu chichinzi nevatengi chidoko pamusoro pekusarudz­a mbeu yakanaka tinokukuru­dzirai kuti musanyanya kubatanidz­a chibage ichi pakudyara. Dyarai madzinde ari pakati pe36 000 kusvika 40 000 pahekita. Semuenzani­so, mukadyara 90cm kubva pane mumwe mutsara kuenda pane mumwe mozoti 30cm kubva pane rimwe dzinde kuenda pane rimwe munowana 36 000 madzinde pahekita.

Chibage chakafaran­uka chinokupai miguri mihombe inomhanyir­wa nevatengi. Ukawanza madzinde pahekita unowana chibage chakawanda asi chinonetsa kutengesa sezvo miguri yacho inozoitawo midiki. Vakuru vakati akuruma nzeve ndewako.

Chibage chamera mavhiki maviri kana matatu ngationgor­orei kuti gonye riya rinonzi Fall Army Worm harimo here toriuraya richiri diki nekuti kana rakura rinotiviri­ra kumishonga. Mimwe yemishonga inouraya gonye iri inonzi Super dash, Blast Super nechero mushonga une active ingredient yeEmmamect­in Benzoet. Zviri nani kudzivirir­a pane kurapa.

Tichibatsi­rwa nebandiko reHurumend­e reIrrigati­on, ngatirimei panoendera­na nehuwandu hwemvura yatinayo mungava mudhamu kana mumugodhi. Izvi zvinotibat­sirawo kuti tiwane mukoho wakanaka uye mvura isatiperer­a chibage chichiri kukura.

Mbeu idzi dzava kuwanika mumaSeed Co depots nyika yose.

 ??  ?? Fire Crecker SC 608 paKent Estate iri kuNorton, kuMashonal­and West
Fire Crecker SC 608 paKent Estate iri kuNorton, kuMashonal­and West

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe