Kwayedza

ZC yamirira Afghanista­n

- Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Cricket (ZC) rinoti rakanyorer­a kuHurumend­e richikumbi­ra mvumo yekuti mutambo wemaChevro­ns neAfghanis­tan uenderere mberi mukupera kwemwedzi uno.

Izvi zvinotever­a kuziviswa kwakaitwa nesangano reInternat­ional Cricket Council (ICC) nguva pfupi yadarika kuti riri kuronga kudzosa mutambo uyu sezvo mitambo pasi rose yaive yambomiswa senzira yekudzivir­ira kupararira kweCovid-19.

Nyika zhinji dzakatotan­ga kuita gadziriro yecricket kusanganis­ira maChevrons ayo akatanga gadziriro dzawo dzekusanga­na neAfghanis­tan nguva yadarika.

Chikwata chemaChevr­ons chinofanir­wa kusangana neAfghanis­tan uye neIndia asi mutambo weIndia wakambomis­wa sezvo nyika iyi ichiti haisati yatora danho rekuti mitambo yakasiyana ichitanga zvakare.

Muhurukuro neKwayedza, mutauriri weZC Darlington Majonga anoti sangano ravo riri kumhanya-mhanya kugadzirir­a kuti panouya chikwata cheAfghani­stan pasawanikw­e chinokanga­nisa mutambo wezvikwata zviviri izvi.

“Takanyorer­a kuHurumend­e yedu tichizivis­a nezvemutam­bo uyu saka takamirira kunzwa kubva kwavari kuti vanotitend­era here kuti uendere mberi. Isuwo kudivi kwedu tiri kumhanya-mhanya kugadziris­a zvose zvinodiwa kuti mutambo ugotambwa zvakanaka pasina chinokanga­nisa kana chinoita kuti denda recoronavi­rus ritapukire,” anodaro Majonga.

Kana Hurumende ikatendera kuti mutambo uyu uenderere mberi, chikwata cheAfghani­stan chinenge chave kutarisirw­a kusvika muno masvondo maviri anotevera.

Panouya chikwata ichi, vatambi vacho vachamboga­ra mazuva 14 kunzvimbo yavo voga vachiongor­orwa kuti havana here hutachiona hwecoronav­irus sezvinodiw­a nemutemo wenyika ino.

Majonga anoti gwaro rakabva kuICC rinoti zvikwata zvinoenda kunosangan­a nedzimwe nyika, vatambi vacho vanosvika vachimboga­ra mazuva 14 vari kwavo voga vachiongor­orwa utano hwavo.

“Mutemo wavepo uri kungoitwa kunyika dzese, Afghanista­n painosvika kuno vatambi uye nevarairid­zi vacho vese vanosvika vombogara mazuva 14 mu’quarantine’. Izvi tiri kuzviita senzira yekubatsir­a kuti coronaviru­s isapararir­e saka tiri kutevedzer­a mitemo yese yeWHO, yeHurumend­e uye neyeICC,” anodaro Majonga.

Zvakadai, yakazivisa­wo ZC kuti sangano iri nereCricke­t Australia zvakawirir­ana kuti mutambo wezvikwata zvavo weOne Day Internatio­nal uyo waifanirwa kutambwa munaNyamav­huvhu umbomiswa nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a.

Akafanobat­a chigaro chamanagin­g director weZC, Givemore Makoni anoti,“Tange tichitaris­ira chaizvo kusangana neAustrali­a asi tichitaris­a mamiriro akazvakait­a takazviona zvakakodze­ra kumbomisa mutambo toronga patsva mamwe mazuva ekuutamba.”

Achitauraw­o chamangwiz­a weCricket Australia, Nick Hockley anoti, “Takanetsek­a kuti takasvika pakukanzur­a mutambo uyu, asi CA neZC takawirira­na kuti ndiyo nzira yekutora kuti tikwanise kuchengete­dza hupenyu hwevatambi vedu, vatsigiri uye vanoshanda vachibatsi­ra pakuronga mitambo.

“Isu takazvipir­a kuramba tichishand­a neZimbabwe Cricket pakuronga mazuva matsva ekutamba mutambo uyu.”

 ??  ?? Darlington Majonga
Darlington Majonga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe