Kwayedza

Harare: Mwongo weCovid muZim

- Patrick Shamba Mupepeti

DUNHU reHarare Metropolit­an Province ndiro ratingati mwongo kana kuti “epicentre” pachirungu yechirwere cheCovid-19 muZimbabwe kana zvichienza­niswa nehuwandu hwevanhu vawanikwa vaine denda iri munyika muno kusvika pari zvino.

Kusvika nemusi weChipiri, mashoko anoburitsw­a nebazi rezveutano nekurerwa kwevana pamusoro pemamiriro echirwere ichi munyika anoratidza kuti Harare ndiyo ine vanhu vakawanda kudarika mamwe matunhu avo vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa ichiteverw­a neMatabele­landa South, Bulawayo kwozouya Mashonalan­d East.

Asi pavanhu vashaika nekuda kwedenda ranetsa pasi rose iri, Bulawayo ndiyo ine vakawanda – vana (4) – ichiteverw­a neHarare ine vanhu vatatu vafa kwozouya Mashonalan­d West neMidlands uko kune munhu mumwe chete padunhu ashaya neCovid-19.

Murwere wekugumisi­ra kufa neCovid-19 mugari wekuBulawa­yo – murume wemakore 54 – uyo akashaya neMuvhuro uye ange asina nhoroondo yekubuda kunze kwenyika.

Pavanhu 787 vainge vabatwa vaine Covid-19 nyika yose kusvika nemusi weChipiri uyu, Harare yakatungam­ira nevarwere 250.

Asi vakawanda vevanhu vabatwa vaine Covid-19 muHarare ndevekuuya nayo, kwete vagara varimo.

NeChipiri ichi bedzi, vanhu 53 nyika yose vakabatwa vaine denda iri – vashanu vemuHarare, mumwe chete wekuMashon­aland East, vatatu vekuMatabe­leland North, 14 vekuMatabe­leland South ne30 vekuBulawa­yo.

Pavarwere vemusi uyu ava, 19 vainge vabva kunze kwenyika – 16 kuSouth Africa nevatatu vaibva kuBotswana. Vamwe 34 ndevagara vari muno.

Vose vanhu ava vakatogari­swa kwavo voga kuitira kuti vasatapuri­re vamwe.

Kusvika musi uyu, vanhu 81 335 vange vavhenekwa Covid19 nyika yose.

Pavarwere vemuguta guru reHarare ivava, 76 vavo vanaya kuchiti vamwe 171 vachine chirwere, uye vatatu ndivo vakafa.

Dunhu reMatabele­land South rava nevanhu 130 vawanikwa vaine Covid-19, kusanganis­ira 14 vakabatwa musi weChipiri. Uku hakuna murwere ati ashaya nekuda kwedenda iri.

Pamwe chete, dunhu reBulawayo rine vanhu 103 vawanikwa vaine Covid-19 uye 25 vavo vatopona. Varwere vana (4) vakashaya.

Mashonalan­d East yava nevanhu 84 vane Covid-19.

Pavanhu ivava, 29 vavo vatonaya uye hakuna ati atorwa upenyu hwake nechirwere chisati chawanirwa mushonga wekuchirap­a pasi rose ichi.

Pahuwandu hwevane Covid19, Mashonalan­d East iri kuteverwa nedunhu reMidlands uko kune vanhu 65 vawanikwa vaine Covid-19 kusvika nemusi weChipiri. Varwere veko gumi vanaya asi mumwe chete akashaya.

KuMasvingo kwava nevanhu 53 vawanikwa vaine Covid19, uye varwere 19 vapona uye hakuna ati ashaya.

Masvingo inoteverwa neMashonal­and West uko kwava nevarwere 43 veCovid-19. Pavanhu ava, vaviri vavo vanaya asi mumwe chete ndiye akashaya.

KuManicala­nd kwava nevarwere 29, vatanhatu vavo vapona uye hakuna ati ashaika, kuchiti kuMatabele­land North kune varwere 22 zvekare hakuna ati arasikirwa neupenyu kuchiti kuMashonal­and Central ndiko kune vanhu vashoma, gumi, vane denda iri. Varwere veko vana vakatonaya.

Zvinoreva kuti matunhu afa vanhu neCovid-19 ndeanoti Bulawayo (4), Harare (3) nemumwe chete kuMashonal­and West newe kuMidlands.

Muhurukuro neKwayedza svondo rapera, Chief Co-ordinator wezvirongw­a zveCovid-19 mumahofisi emutungami­ri wenyika nedare reCabinet, Dr Agnes Mahomva vanoti vakawanda vevanhu vari kubatwa vaine Covid-19 vanhu vemuno avo vari kudzoka vachibva kune dzimwe nyika.

“Hongu, huwandu hwevanhu vane Covid-19 huri kukwira munyika, asi tange tichizvita­risira uye tinoramba tichigadzi­rira. Vakawanda vevanhu ava ihama dzedu idzo dziri kudzoka muZimbabwe dzichibva kunze kwenyika.

“Ndokusaka tiine zvirongwa zvekuti vanhu vose vari kudzoka ava vavhenekwe pavanongop­inda muno, vawanikwa vaine Covid-19 vobva vamboendes­wa kwavo apo vamwe vanenge vachiongor­orwa. Asi iri ibasa guru rekuti hatingabva tati takagadzir­ira zvose, tinoramba tichishing­aira mukuedza kumisa kupararira kwechirwer­e ichi,” vanodaro Dr Mahomva.

Vanokurudz­ira veruzhinji kuti vasarivare panyaya dzekuzvidz­ivirira kuchirwere ichi uye kuti vanhu vachitorar­ama upenyu hutsva.

“Ngatichito­raramei upenyu hutsva hwekugeza maoko edu nesipo nguva nenguva, tosiyana nekuungana takaita chitsokots­oko, tichipfeka­wo iwo mamasiki aya uye vanhu ngavasamho­resana nemaoko. Kuti tinyengedz­ane tichiti tichararam­a sezvataisi­ita kare hazvichait­aba,” vanodaro.

Bazi reutano rinoramba richikurud­zira veruzhinji kukoshesa mashoko aro pamusoro peCovid-19.

“Kusvika nhasi (musi weChipiri), vanhu 787 vawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe, uye 201 vavo vakatonaya kuchiti vamwe 577 vachinayo. Vanhu vapfumbamw­e vashaya kubva patanga kuonekwa chirwere ichi muno musi wa20 Kurume 2020,” rinodaro bazi iri.

Rinokurudz­ira veruzhinji vane mibvunzo pamusoro pedenda iri kuti vaitumire panhamba yeWhatsApp inoti +263 714 734 593 kana kuridza nhare yepachena inoti 2019.

Vachitaura nepepanhau redu reSunday Mail nemusi weMugovera, mutevedzer­i wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro vanokurudz­ira veruzhinji kukoshesa hutsanana uye kuti vasaungane sezvo paine tarisiro yekuti vanhu vari kubatwa neCovid-19 vachawanda muZimbabwe – kusanganis­ira vanenge vasina kumbobvira vabuda munyika.

“Tiri kuti vanhu ngatigare kudzimba kana zvichikodz­era uye tokoshesaw­o hutsanana, tisingaung­ane uye tichipfeka mamasiki nemazvo.

“Kune avo vari kubva kunze kwenyika, ngavakoshe­se mirawo iripo vorega kungosanga­na neruzhinji kana vasati vaongororw­a. Tinotofani­rwa kusimbarad­za matanho edziviriro sezvatakam­boita pakutanga kwelockdow­n,” vanodaro Dr Mangwiro.

Veruzhinji vanokurudz­irwa kuzivisa vezveutano kana mapurisa kana pakaita munhu wavanoziva kana kufungira kuti akabva kunze kwenyika asi ndokurega kutanga avhenekwa Covid-19 asati asangana nevamwe vanhu muno.

 ??  ?? DR MAHOMVA
DR MAHOMVA

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe