Kwayedza

AKAFA ARUMWA NEHUKU

- Ray Bande ari kwaMUTARE — —

CHITUNHA chemudzima­i wekwaChigo­dora, kwaMutare — uyo akafa mushure mekunge arumwa nejongwe rehuku ravainge vakwereta — chinonzi chakachema apo chaive chaiswa mumochari kwemazuva maviri zvikashami­sa hama neshamwari dzainge dzaungana parufu rwake.

Rufu rwaChandap­iwa Makaza rwakaita mukurumbir­a pamadandem­utande zvichiteve­ra zvakaitika mudzimai uyu asati afa uye nepaakazos­haya.

Anga ave nemakore 42 okuberekwa.

Chandapiwa uyo akange achangoped­za zvidzidzo zvake paReformed Church University

aifanirwa kunge akatanga kushandira rimwe sangano rakazvimir­ira musi we6 Chikunguru unova wakavigwa mutumbi wake.

Kwayedza yakashanyi­ra mhuri yekwaMakaz­a kumaruwa ekwaMutare ichida kunzwa zvakazara pamusoro perufu rwake rwunoshami­sa.

Murume wake, Lancelot Makaza (50), anoti haasati ave kukwanisa kugamuchir­a mafiro emudzimai wake.

“Rufu rwemudzima­i wangu harunzwisi­sike kwatiri. Nyaya yose yakatanga apo takachinja­na majongwe ehuku nemumwe watinogara naye munharaund­a muno. Aka kakange kave kechipiri tichikwere­ta jongwe kwaari.

“Takamborik­wereta munaChikum­i (mwedzi wapera) uye takazoridz­osera mushure mekunge raruma mudzimai wangu. Muridzi waro akatiudza kuti ndiwo mugariro waro wekuruma vanhu. Akatotiudz­a kuti jongwe iri rinoda chaizvo kuruma vanhukadzi.

“Takazofung­a zvekurikwe­reta zvakare svondo rapera (svondo rapera pamberi) sezvo taifarira mhando yacho. Imhando yakakura zvikuru kudarika dzimwe dzatinoziv­a.

“Jongwe iri rakaruma zvakare mudzimai wangu uye rakatomuku­vadza pagumbo.

“Ronda iri rakapedzis­ira rave kubuda urwa. Mudzimai wangu aigara achichema zvikuru nekuda kweronda iri sezvo aisada kuti rigumwe kunyangwe negumbeze.

“Zuva raazoshaya, ndakapedza husiku hwose ndakabata gumbeze kuti risagume ronda iri,” anodaro.

Lancelot anoti chitunha chemudzima­i wake chakachema pachaive mumochari.

“Takashamis­ika nezvatakao­na mumochari patakaenda kunotora mutumbi kuti tiuvige mushure memazuva maviri tauendesak­o. Mutumbi wake waitochema zvinoonekw­a, misodzi ichitochur­uruka pamatama.

“Takaronga kuti mutumbi uyu ugezwe setsika yechivanhu. Vakuru vedu vakatiudza kuti uyu muchereche­dzo wekuti akafa rufu rwunorwadz­a,” anodaro.

Lancelot anoti chinamato chemhuri yavo hachivaten­dere kuenda kunobvunzi­ra kun’anga kana maporofita.

“Kana zvakadai zvikaitika, panoita mitauro yakawanda. Tinopinda chechi yeZion Christian Church uye hatina kumbofunga kuenda kunobvunzi­ra kun’anga pamusoro pechiitiko ichi. Tinosiira zvose kuna Mwari,” anodaro.

Achibvunzw­a nezvenhoro­ondo yeutano hwemudzima­i wake, Lancelot anoti mushakabvu aitambudzw­a nechirwere chemwoyo asi panguva yaakazosha­ya haana kumbobvira ataura kuti waimurwadz­a.

Anoti kudai pasina chirwere cheCovid-19, mudzimai wake angadai akagirajuw­eta munaChikum­i mushure mekupedza zvidzidzo zvake.

“Zvinorwadz­a kuti takashandi­sa zvakawanda mukumudzid­zisa. Ange akachangop­edza zvidzidzo zvekuyuniv­hesiti uye aifanirwa kugirajuwe­ta munaChikum­i. Aifanirwa kutanga basa musi wa6 Chikunguru waakavigwa,” anodaro murume uyu.

Mumwe muvakidzan­i wemhuri iyi anove akadzidzir­a basa ruhuchirem­ba, Maengeni Bingadadi, anoti zvichida mudzimai uyu anogona kunge akafa nedambudzi­ko rinozivika­nwa nekuti “sepsis” mushure mekurumwa nejongwe iri. Anoti dambudziko iri rinogona kunge rakauya apo akarumwa nejongwe iri chironda chacho chikasarap­wa zvikaita kuti panyuke humwe hutachiona hwakaipisi­sa.

Muhurukuro nenhepfeny­uro yedu yeDiamond FM iyo iri kwaMutare, muridzi wejongwe iri, Zvikombore­ro Takarinda, anoti rine tsika yekuruma vanhukadzi.

“Iri raive remhando yakasiyana nedzimwe uye vanhu vaiuya vachirikwe­reta nekuda kwekukura kwaro. Aka hakazi kekutanga mhuri iyi ichikweret­a jongwe iri.

“Handaishan­disa jongwe iri zvimwe zvinhu kunze kwekuti ribatsire tseketsa. Zvisinei, jongwe iri raive netsika yekuruma vanhu, zvikuru vanhukadzi,” anodaro.

Takarinda akazochema zvikuru mushure mekunge vagari vemubhuku rake, avo vakange vaungana parufu apa, vakati jongwe iri rinofanirw­a kuurayiwa ropiswa.

Murume uyu akamanikid­zwa kuuraya jongwe rake nekuzoripi­sa apo misodzi yaive pamatama vanhu vachiona.

Zvisinei, jongwe iri rakangotsv­a makushe chete sezvo rakabva ratorwa nembwa ndokunodyi­wa.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ?? DZIMWE hama dzaive parufu
DZIMWE hama dzaive parufu
 ??  ?? LANCELOT Makaza
LANCELOT Makaza
 ??  ?? VAMWE vanhu vaive parufu
VAMWE vanhu vaive parufu
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe