Kwayedza

739 VAITA KUUYA NECOVID

- Tandayi Motsi — —

KUSVIKA nemusi weChipiri, Zimbabwe yange yava nevanhu 1 064 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenek­wa uye pavanhu ava, vakawanda vavo 739 vakabva nechirwere ichi kunze kwenyika.

Vazhinji vevanhu vawanikwa vaine Covid-19 muno ndevanenge vadzoka vachibva kumatunhu anosangani­sira kuAsia, America nemuAfrica apo South Africa neBotswana dziri idzo dzine vanhu vakawanda.

Izvi zvinoreva kuti vanhu vawanikwa vaine Covid-19 munyika muno uye vasina kumbobvira vaenda kunze vasvika 325.

Pavanhu 1 064 ava, 343 vatonaya asi vamwe 20 vakafa. Huwandu hwevanhu vafa nekuda kwechirwer­e ichi hwakakwira zvichiteve­ra kufa kwemwana kuMatalebe­land South uyo airapwa pane chimwe chipatara cheko.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri mushure memusangan­o wedare reCabinet, gurukota rezvekubur­itswa kwemashoko nenyaya dzenhepfen­yuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti Hurumende iri kushushika­na zvikuru nekuwanda kuri kuita nyaya dzevanhu vari kubatwa neCovid-19.

Vanoti matunhu anoti Bulawayo neHarare ndiko kune vanhu vakawanda vafa nechirwere ichi.

“Bulawayo neHarare Metropolit­an Provinces ndiwo matunhu ane vanhu vakawanda vafa nekuda kweCovid-19 vanove vanonwe (Bulawayo) nevasere (Harare),” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoendere­ra mberi vachiti, “Cabinet iri kushunguru­dzika zvakanyany­a nekuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa neCovid-19 vari munyika muno.”

Vanoti Hurumende iri kutora matanho akananga kusimbarad­za zvirongwa zvekumisa kupararira kwechirwer­e ichi anosangani­sira kuvhenekwa kwevanhu vakawanda munzvimbo dziri kuwanda vane Covid-19.

Hurumende ndiyo zvakare ichange ichiona pamusoro penyaya yekufamba kuchaita mabhazi pakati pemadhorob­ha, zvikuru panyaya yekutakurw­a kwevanhu vanenge vachida kurapwa zvirwere.

 ??  ??
 ??  ?? SEN Mutsvangwa
SEN Mutsvangwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe