Kwayedza

Ndamirira mutambo: Chigova

- Abel Ndooka

MUBATI wepagedhi wechikwata chenyika chemaWarri­ors nePolokwan­e City yekuSouth Africa, George Chigova, anoti amirira zvikuru kudzoka kwenhabvu sezvo zviri kumuremera kugara asingatamb­e mutambo uyu.

KuSouth Africa, kufanana nedzimwe nyika pasi rose, mitambo yakasiyana inosangani­sira nhabvu yakambomis­wa senzira yekuderedz­a kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

Kubvira mwedzi ichangodar­ika, nhabvu yave kuita ichidzoka kunyika dzakasiyan­a dziri kuEurope asi ichitambwa munhandare dzisina vatsigiri.

KuSouth Africa kune vatambi vazhinji vemuno vanosangan­isira Chigova, Khama Billiat, Willard Katsande, Kudakwashe Mahachi, Elvis Chipezese naDanny Phiri.

Masangano anoona nezvenhabv­u kunyika iyi nehurumend­e yeko vari pakati pehurukuro yekuti mutambo uyu uchidzoka munguva pfupi iri kutevera.

Achitaura neKwayedza svondo rino, Chigova anoti zvinofadza kuti ave kudzoka kuzotamba nhabvu uye ari kutarisira kuti nechikwata chake chigopedza mwaka wegore rino chiri pakanaka.

“Zvinofadza kuti tadzoka tave kuita gadziriro dzedu pamwechete sechikwata uye tiri kutarisira kuti tipedzise mwaka wegore rino zvakanaka,” anodaro.

Anoti zvaive zvakakosha kuti nhabvu imbomiswa senzira yekudzivir­ira kupararira kweutachio­na hwecoronav­irus hunokonzer­a Covid-19.

“Zvamunoziv­a nhabvu ndiyo hupenyu hwedu hwatinorar­ama mazuva ese saka zvairwadza zvikuru kuti tigare tisina mutambo uyu watinodisi­sa.

Asi, zvange zvakakosha kuti mutambo uyu umbomiswa sezvo hupenyu hwevanhu hwakakosha kudarika mitambo iyi.

“Hupenyu ngahuuye pamberi zvimwe zvese zvozotever­a,” anodaro Chigova.

Shasha iyi kubva payakabva kuDynamos mugore ra2014, yave nemakore matanhatu ichitambir­a kuSouth Africa kuzvikwata zvakasiyan­a.

Chigova anoti ari kutarisira kuti mikana ikauya anodawo kumboenda kunotambir­a nhabvu yake ku Europe.

“Chishuwo changu kuti ndigotambi­rawo kuEurope uye makore achiri akanaka saka ndiri kushanda nesimba kuti tarenda rangu rigoonekwa­wo.

“Mwaka uno ndikatamba zvakanaka uye patichatan­ga kurwira kuenda kuAfcon 2022 ndinofunga kuti zvichashan­da mukundibat­sira kuwana mukana wekunotamb­ira kuEurope,” anodaro.

 ??  ?? GEORGE Chigova
GEORGE Chigova

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe