Kwayedza

Mutomati unomera panzira . . .

- naWedzerai Nhemachena

MUTOMATI unomera panzira inopfuura neruzhinji haudyiwe nemurimi wacho chete, asi chero nemupfuuri wenzira iyoyo anotemha asina kukumbira.

Izvi zvinowanzo­itika kana kusina kuibva gore iroro.

Munyika medu maita mwaka yenzara – mumhuri zvose nemumakamb­ani. Asi kumwe kuoma kwemwaka iyi kwakonzerw­a nevakuru vemisha, makambani kana matunhu. Havape vashandi zvinovakwa­nira, asi ivo vanozvipa zvinovagut­sa.

Zvino vamwe vakaona pavanoshan­dira paine zvimutswa, vanotora izvozvo vogovana vachiteved­zera zvinoitwa nevakuru vavo.

Pane nzvimbo dzinozivik­anwa kuti dzine mitomati, naizvozvo, panzvimbo idzi panoenda vanoziva kuchengete­dza vakuru nekuvayeuk­a kana vatemha matomatiyo. Vanhu vanopihwa mabasa epamutomat­i ndivo vari padyopadyo nevakuru, vaya vakanyanya kutwasuka pamabasa, vanofa vachidya nhoko dzezvirond­a. Nokudaro vashandi vanorwira kunoshandi­ra pamutomati. Saka vanofanira kuratidza vakuru kuti havazovara­sisa kana vatemha matomati iwayo.

Wese anorasisa vakuru pamutomati anoswera abviswapo wokandwa kumajokoch­wa kwakaoma segwenga.

Mitomati iri pakawanda kudzimba dzedu, kumakamban­i edu, kana kumitunhu.

Ukaona munhu mumwe chete achiendesw­a kunoshandi­ra kumutomati, ziva kuti pane zviri kuitika muchivande pakati pake nevakuru. Hakuzi kuchenjera kwake kunoita kuti aendeswe pamutomati, asi kuchenjera kwekutanhi­ra vakuru matomati nokuti vakuru havadi kuonekwa vachimira-mira pamutomati, zvinovabvi­sa chimiro.

Izvi zvinoonekw­a nokuti hapana chipenyu chinobuda pamunhu anoendeswa kumutomati chinobatsi­ra musha, kambani kana dunhu.

CHENJEDZO:

Kushandira pamutomati kwatiurair­a misha nemakamban­i edu. Ngatione zvipenyu zviri kubuda pamutomati kuti ruzhinji mudzimba nemumakamb­ani edu rugutsikan­e kuti chokwadi munhu aendeswa kunoshandi­ra pamutomati ari kupundutsa musha, kambani kana dunhu. Ngatisiyan­e nezvekuend­esa vanhu kunoshandi­ra pamutomati tichishand­isa chiyereso chehusahwi­ra nehukama pamabasa, kuti nyika yedu iwane pundutso.

◆ Wedzerai Nhemachena ndigodobor­i wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communicat­ion Studies). Anobata nemauniver­sity akawanda muZimbabwe.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe