Kwayedza

Covid-19 itori dambudziko

-

HUWANDU hwevanhu vari kubatwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenek­wa muZimbabwe huri kuramba huchikwira uye pari zvino hwava pa1 064.

Kuwanda kuri kuita vari kuwanikwa vaine chirwere chinokonze­rwa nehutachio­na hwecoronav­irus ichi kwave kutyisa.

Tinodaro nekuti pakatanga chirwere ichi munyika muno munaKurume, vanhu vakawanda vaibatwa neCovid-19 ndeavo vaibva kunze kwenyika.

Asi iye zvino zvasiyana nekuda kwekuti vakawandaw­o vave kuwanikwa vaine hutachiona uhu ndevari munharaund­a dzatigere muZimbabwe uye vasina kumbobvira vaenda kunze kwenyika.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinoti pavanhu 30 vakabatwa vaine Covid-19 nemusi weChiriri svondo rino mushure mekuvhenek­wa, 14 vakabva kunze kwenyika asi vamwe 16 vagara vari muZimbabwe.

Pa16 vagara vari munyika muno, bazi iri rinoti vanomwe vavo vari kuzivikanw­a kuti vakawana sei hutachiona uhu mushure mekunge vatapurirw­a nevanacho vari kuzivikanw­a.

Izvi zvinoreva kuti vamwe vapfumbamw­e havazi kuzivikanw­a kwavakawan­a Covid-19.

Pakadai apa pane dambudziko guru nekuti zvakakosha kuti munhu azivikanwe kuti awana kupi chirwere.

Kana munhu akazivikan­wa mabatiro aanenge aita Covid-19 zvinove nyore kutevera vose vaakasanga­na navo vachivhene­kwa senzira yekurwisa kupararira kwechirwer­e ichi.

Semuenzani­so, vanhu vapfumbamw­e vasiri kuzivikanw­a nebazi rezveutano mabatiro avakaita Covid-19 zvinoreva kuti vose vavakasang­ana navo vasiri kuzivikanw­a vari panjodzi yekubatira chirwere ichi nekudaro chinoramba chichipara­rira.

Ichi ndicho chikonzero veruzhinji vari kukurudzir­wa kutevedzer­a matanho ose akananga kumisa kupararira kweCovid-19.

Matanho aya anosangani­sira kupfeka mamasiki nemazvo, kusaita chitsokots­oko uye kusangofam­ba-famba zvisina tsarukano.

Kune vamwe veruzhinji vari kutora chirwere ichi sedambe vasingaziv­e kuti hachizi chekuita jee nacho.

Zvinotosha­misa kuona kuti vamwe vanhu vari kufamba vasina kupfeka mamasiki uye vachiungan­a zvisina tsarukano munzvimbo dzakadai sekumisika inotengesw­a zvirimwa.

Munhu wose ane chikamu chaanofani­rwa kuita muhondo yekurwisa kupararira kweCovid-19.

Haizi nyaya yekutya vabati vezvemutem­o vakaita semapurisa asi kuchengete­dza upenyu hwako iwe nehwevamwe.

Hurumende inofanirwa kurumbidzw­a zvikuru nematanho airi kutora mukudzivir­ira kupararira kweCovid-19.

Danho rekuti kuvhurwa kwezvikoro kupfuudzwe mberi rizere neuchenjer­i nekuti kana zvikavhurw­a pari zvino vana nevadzidzi­si vanenge vari panjodzi yekutapuri­rwa hutachiona.

Chakakosha panguva ino kuchengete­dza upenyu hwevanhu uye zvimwe zvose zvozoonekw­a nekufamba kwenguva.

Kana vanhu vakabatana mukurwisa kupararira kweCovid-19, zviri nyore kukunda chirwere ichi.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe