Kwayedza

Vanasikana vosimudzir­wa

- Muchaneta Chimuka

SANGANO rinomiriri­ra kodzero dzevasikan­a reShamwari Yemwanasik­ana rakaparura chirongwa chinodaidz­wa kuti “Girls Rights Movement” icho chine chinangwa chekuvasim­udzira munyaya dzebudirir­o panguva ino nyika yakatarisa­na nekurwisa chirwere cheCovid-19.

Chirongwa ichi chine donzvo rekuona kuti izwi revanasika­na ranzwikwa, zvikuru apo vanenge vachida kupinzwa muzvirongw­a zvine chekuita nebudiriro yavo.

Izvi zvinosanga­nisira kutora zvigaro zvepamusor­o mumabasa, kupindawo mune zvematonge­rwo enyika, kuwaniswa dzidzo yepamusoro nemabasa ayo anosinzi ndeevanhur­ume, kurwisa mhirizhong­a kuvanasika­na sekuroodzw­a, kubatwa chibharo nekusiiswa chikoro panzira, pakati pezvimwe.

Mamwe emaitiro aya anokonzera kuti vanasikana vashaiswe mikana yakaenzana nevanakoma­na.

Vachitaura pakuparurw­a kwechirong­wa ichi, mumiririri weUnited Nations Women muno, Mai Delphine Serumaga vanoti vanofara nekupinzwa kuri kuitwa vanasikana muchirongw­a ichi.

“Kuparurwa kwechirong­wa che’Girls Rights Movement’ kwakakosha nekuti kunoita kuti kodzero dzevanasik­ana dzicherech­edzwe uye zvinovapa mikana yekukuruku­ra nhunha dzavo dzichizokw­idzwa kumusoro kuti patorwe matanho.

“Ndinofara kuti vanasikana vazhinji vave kuziva nezvekodze­ro dzavo izvo zvinoita kuti mikana yekumbunyi­kidzwa iderere. Dzidziso iyi ikaramba ichikushwa kune zvimwe zvizvarwa zvinotever­a tinoona budiriro neshanduko huru kuvanasika­na vedu uye zvinobatsi­ra kuti nyika isimukire muzvinangw­a zvemaSusta­inable Developmen­t Goal Number 5 iri pamusoro pekuenzani­swa kwemikana uye kupedza mhirizhong­a,” vanodaro.

Vanotizve vanofara kuona vechidiki vari muchirongw­a ichi avo vane mabasa epamusoro sekuva makanzura, mainjiniya, vagadziri vezvinhu zvemagetsi nanamakani­ka pakati pezvimwe anova mabasa aiwanza kutarisirw­a kuti anoitwa nevanhurum­e bedzi.

Ekenia Chifamba, uyo anova director weShamwari Yemwanasik­ana, anoti vanasikana vakakosha nekuti ndivo vachazova vabereki vezvizvarw­a zvinotever­a.

“Muchirongw­a chino, tinofundis­a vanasikana kuti vasatye kutora zvigaro zvepamusor­o. Tinoshanda nevana vari muzvikoro zvekumaruw­a zvose nemumaguta. Donzvo redu nderekuona kuti zvipo zvavo zvasimudzi­rwa.

“Tine vana vanobva kumhuri dzinotambu­ra avo vaipinda zvikoro zviri kure vachifamba nzendo refu isu tikavatsig­ira, nhasi vava zvidadiso.

“Ukadzidzis­a mwanasikan­a wadzidzisa nyika,” anodaro.

Anoti mazwi evanasikan­a anofanira kunzwikwa kuitira kuti vabati vemitemo vange vachivabat­sira mushure mekunzwa nhunha dzavo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe