Kwayedza

Vobatsira Zim kurwisa Covid

- Muchaneta Chimuka

HURUMENDE svondo rapera yakabatsir­wa nezvekusha­ndisa mukurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 nemasangan­o anoti UNICEF, UNFPA, DFID, European Union (EU) Sida-Sweden, Irish Aid neGlobal Vaccine Alliance (Gavi).

Rubatsiro urwu rwakauya kuburikidz­a nechirongw­a cheHealth Developmen­t Fund (HDF).

Midziyo yakapihwa kuHurumend­e inosangani­sira 198 inobatsira varwere kufema (oxygen concentrat­ors) ne968 mafiriji anoshanda nesimba rezuva (solar driven refrigerat­ors) zvinovawo zvichabats­ira mukufambis­wa kwechirong­wa chekubaisw­a kwevana majekiseni edziviriro (immunisati­on).

Midziyo inobatsira varwere kufema zvakanaka ichashandi­swa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana mukurwisa chirwere cheCovid-19 pasi pechirongw­a cheNationa­l Covid-19 Response Plan.

“Rubatsiro rwemaoxyge­n concentrat­ors rwunoreva kuti huwandu hwevarwere vachapihwa mibhedha muzvipatar­a kuchikamu cheHigh Dependency Unit (HDU) huchawedze­ra kubva pamibhedha yataive nayo 45 kuenda pa179. Saka tinenge tava pedyo nechikamu che80 percent chemibhedh­a inodiwa kuHDU munyika,” vanodaro Dr John Mangwiro avo vanova mutevedzer­i wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana.

Vanoti midziyo inobatsira pakufema iyi yakakosha zvikuru kuvarwere vane Covid-19 pamwe nevana vanobarwa vachida ruyamuro rwekufefem­utswa (resuscitat­ion) zvinova zvichayamu­ra mukuderedz­a ndufu dzevana muZimbabwe. Mumiriri wesangano reDFID muZimbabwe, Cate Turton anoti chirongwa cheHealth Developmen­t Fund chiri kutsigira zvikuru nyika ino kuti igadzirire kurwisa Covid-19 zvichifamb­irana neongororo dziri kuitwa muno nekune dzimwe nyika.

Vanoti mafiriji anoshandis­a simba remagetsi ezuva achabatsir­a mukuchenge­tedzwa kwemishong­a nemajekise­ni evarwere uye zvichidere­dza nyaya dzekudhuri­rwa nemagetsi.

Mutevedzer­i wemumiriri weUNICEF muZimbabwe, Amina Mohamed anoti, “Kunyangwe panguva iyo chirwere cheCovid-19 chakange chisati chaveko, kukundikan­a munyaya dzekufamba kwemadzima­i kuti anobaisa vana majekiseni kwakanga kuriko zvichiteve­ra nzvimbo dzavanogar­a zvikuru kumaruwa kunova kure nezvipatar­a. Nokudaro chirongwa ichi chichabats­ira kuti vana vakawanda vabaiswe majekiseni zvisina dambudziko.”

Chirongwa cheHealth Developmen­t Fund chine vatsigiri vakawanda zvikuru uye chakavapo nechinangw­a chekusimud­zira utano munyaya dzakadai sekubara, kutsigira utano hwevana vachangobv­a kuzvarwa, hwevanhu vakuru nekuwanisw­a kwekudya kunovaka utano.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe