Covid-19: Zivai zvizere
MUMWEDZI waZvita gore rapera, munyika yeChina makanyuka chirwere chinodaidzwa kuti coronavirus kana kuti Covid-19 icho pari zvino chapararira kunyika dzakawanda dzepasi rose – kusanganisira muZimbabwe.
Coronavirus hutachiona hunokonzera kurwara sekupindwa nechando zvichizowedzera nekufamba kwenguva.
Covid-19 inoparadzirwa sei?
Coronavirus hutachiona hwakaipisisa hunotapuriranwa nyore kuburikidza nekusangana pedyo nepedyo nemunhu anaho.
• inotapurirwa nekukosora kana kuhotsira
• kubatana nemunhu anayo sekumhoresana
• kubata midziyo kana chinhu chine hutachiona hwechirwere ichi, kubata muromo nemaziso nemaoko asina kugezwa
• kubata mhuka dzinorwara kana kuti mhuka dzesango
Zvaungaite kana uine fungidziro yeCovid-19:
Zviratidzo ndezvinotevera: kupindwa nechando, kurwadziwa muchipfuva, kutemwa nemusoro, kurwadziwa nepahuro nekukosora uchingochururuka dziwa.
Zviratidzo izvi zvinotanga zviri zvishoma asi zvichizowedzera nekufamba kwenguva uye zvinogona kutora upenyu hwemunhu.
Kana uchifungira kuti une Covid-19, ridza nhamba dzinotevera dzekubazi rezveutano - Hotline: +263 714 734 593 kana +263 774 112 531 kana Toll free 2019
Ungaderedza sei mikana yeCovid-19?
• siya mita imwe chete paunomira kana kugara nemunhu ane zviratidzo zvekukosora
• usabate mhuka dzemupurazi kana dzemusango
• vhara mhuno nemuromo wako netishu kana gokora rako paunokosora kana kuhotsira
• regedza katsika kekubata maziso kana muromo.
• geza maoko ako nguva dzose pawakosora kana kuhotsira kana kubatsira murwere
• geza maoko nesipo nemvura yakachena uye inochururuka kana wabva mukushandisa chimbuzi
• geza maoko ako usati wagadzira kudya
• geza maoko usati wayamwisa mwana
• kana uchinge wabva kunyika dzine utachiona uhu, gara kumba kwemazuva 21.
• regedza kushanya kunyika kana mamwe matunhu ane chirwere ichi.
Zvinhu zvinowanikwa kuti vanhu vanoshungurudzika, kutyiswa kana kugumbuka nekuda kwedambudziko iri asika, taurawo neshamwari dzako kana vemhuri.
Panguva yaunenge uri kumba, idya chikafu chinovaka muviri, uchinyatsorara uye kuita mitambo inosimbisa muviri.
Taura panhare kana paWhatsApp nehama neshamwari.
Usashandise zvinodhaka kuti uzvinyaradze mundangariro.
Kana ukaona zvava kukukunda, taura nevarapi uye vapangi vemazano vari pedyo newe. Deredza nguva yekuona zvinhu zvinokushungurudza paterevhizheni kana kuverenga mumapepanhau. —