Kwayedza

Covid-19: Zivai zvizere

- Muchaneta Chimuka

MUMWEDZI waZvita gore rapera, munyika yeChina makanyuka chirwere chinodaidz­wa kuti coronaviru­s kana kuti Covid-19 icho pari zvino chapararir­a kunyika dzakawanda dzepasi rose – kusanganis­ira muZimbabwe.

Coronaviru­s hutachiona hunokonzer­a kurwara sekupindwa nechando zvichizowe­dzera nekufamba kwenguva.

Covid-19 inoparadzi­rwa sei?

Coronaviru­s hutachiona hwakaipisi­sa hunotapuri­ranwa nyore kuburikidz­a nekusangan­a pedyo nepedyo nemunhu anaho.

• inotapurir­wa nekukosora kana kuhotsira

• kubatana nemunhu anayo sekumhores­ana

• kubata midziyo kana chinhu chine hutachiona hwechirwer­e ichi, kubata muromo nemaziso nemaoko asina kugezwa

• kubata mhuka dzinorwara kana kuti mhuka dzesango

Zvaungaite kana uine fungidziro yeCovid-19:

Zviratidzo ndezvinote­vera: kupindwa nechando, kurwadziwa muchipfuva, kutemwa nemusoro, kurwadziwa nepahuro nekukosora uchingochu­ruruka dziwa.

Zviratidzo izvi zvinotanga zviri zvishoma asi zvichizowe­dzera nekufamba kwenguva uye zvinogona kutora upenyu hwemunhu.

Kana uchifungir­a kuti une Covid-19, ridza nhamba dzinotever­a dzekubazi rezveutano - Hotline: +263 714 734 593 kana +263 774 112 531 kana Toll free 2019

Ungaderedz­a sei mikana yeCovid-19?

• siya mita imwe chete paunomira kana kugara nemunhu ane zviratidzo zvekukosor­a

• usabate mhuka dzemupuraz­i kana dzemusango

• vhara mhuno nemuromo wako netishu kana gokora rako paunokosor­a kana kuhotsira

• regedza katsika kekubata maziso kana muromo.

• geza maoko ako nguva dzose pawakosora kana kuhotsira kana kubatsira murwere

• geza maoko nesipo nemvura yakachena uye inochururu­ka kana wabva mukushandi­sa chimbuzi

• geza maoko ako usati wagadzira kudya

• geza maoko usati wayamwisa mwana

• kana uchinge wabva kunyika dzine utachiona uhu, gara kumba kwemazuva 21.

• regedza kushanya kunyika kana mamwe matunhu ane chirwere ichi.

Zvinhu zvinowanik­wa kuti vanhu vanoshungu­rudzika, kutyiswa kana kugumbuka nekuda kwedambudz­iko iri asika, taurawo neshamwari dzako kana vemhuri.

Panguva yaunenge uri kumba, idya chikafu chinovaka muviri, uchinyatso­rara uye kuita mitambo inosimbisa muviri.

Taura panhare kana paWhatsApp nehama neshamwari.

Usashandis­e zvinodhaka kuti uzvinyarad­ze mundangari­ro.

Kana ukaona zvava kukukunda, taura nevarapi uye vapangi vemazano vari pedyo newe. Deredza nguva yekuona zvinhu zvinokushu­ngurudza paterevhiz­heni kana kuverenga mumapepanh­au. —

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe