Kwayedza

Hatina mushonga weCovid: Zinatha

- Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe National Traditiona­l Healers Associatio­n (Zinatha) rinoti n’anga nemaporofi­ta emanyepo vawanda zvikuru munyika kubva pakatanga chirwere cheCovid-19 uye riri kuyambira veruzhinji kuti vangwarire kubirwa mari neupfumi hwavo nemaguruvh­ani aya.

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano iri, vanoti kune mamwe matsotsi ave kutora mukana wekuvepo kwechirwer­e ichi kubira vanhu vachivanye­pera kuti vanogona kuchirapa kana kuchidzivi­rira.

“Isu seZinatha, tirimo mukurwisan­a nedenda ranetsa pasi rose reCovid-19. Tinoda kushanda pasina chitsotsi semachirem­ba echivanhu uye tine matanho atiri kutora kuti kuzivikanw­e n’anga kana maporofita chaiwo, matsotsi toayanika pachena,” vanodaro VaKandiyer­o.

Vanoti vari kushanda zvakanaka nebazi rezveutano nekurerwa kwevana vachiteved­zera mitemo yose inokurudzi­rwa mukurapwa kwechivanh­u.

“Kune machiremba echivanhu matsotsi ayo ari kuwanda kunyanya vechidiki vangonyuka pakangotan­ga chirwere ichi vachinyepe­ra vanhu kuti vanochirap­a. Tiri kuyambira veruzhinji kuti vangwarire n’anga kana maporofita nekuti tinoona kuti vamwe vari kuzviti machiremba ava havasi nhengo dzedu, kana matsamba vanenge vasina,” vanodaro VaKandiyer­o.

Vanoyambir­a nhengo dzavo kuti dzisiyane nekunyeper­a vanhu kuti dzinorapa Covid-19 sezvo kusati kwawanikwa mushonga unorapa chirwere ichi pasi rose.

“Watinongow­ana chete achiti anorapa chirwere ichi mukati menhengo dzedu tinomudzin­ga kana kumuranga zvakaomara­ra nekumuende­sa kumapurisa votorerwa matanho. Dambudzko redu nderekuti vanhu ava vari kuwanikwa vaine matsamba ekurapa echitsotsi ayo ari kugadzirwa nemakorony­era. Saka zvave kunetsa kuti tikwanise kuziva n’anga nemaporofi­ta echitsotsi,” vanodaro VaKandiyer­o.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Tava nevanhu vanosvika gumi avo vauya kumahofisi kwedu vachichema kuti vakatorerw­a mari dzavo nen’anga nemaporofi­ta vachinzi vari kupihwa mishonga yekudzivir­ira kuti vasabatwe neCovid-19.”

Vanoti kana vanhu vasingagut­sikane nekuda kwen’anga kana muporofita anenge achida kuvashandi­ra, ngavaridze nhare panhamba dzinoti 0772 301 059 kana 0777 059 010.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe