Kwayedza

Takanganis­wa neCovid: Vavezi

- Kingstone Mapupu

VANHU vanorarama nemabasa ekuveza matombo vanoti basa ravo harisi kufamba zvakanaka kubva pakatanga chirwere cheCovid-19 sezvo pari zvino pasina vashanyi vanobva kunze kwenyika vari kuuya vachitenga zvigadzirw­a zvavo.

Vamwe vanoveza vari kuchema nemamiriro ezvinhu ndevanosha­ndira panzvimbo yeAirport Arts Centre iri kuHatfield, muguta reHarare.

Nzvimbo iyi ine vanhu vanodarika 20 vanorarama nekuveza.

Mumwe wevanoveze­ra apa, VaWellingt­on Chingondi (48) avo vanogara kuEpworth, vanoti zvinhu hazvina kuvamirira zvakanaka mubasa ravo kubva pakatanga kunzi vanhu vagare kudzimba senzira yekudzivir­ira kupararira kweCovid-19.

“Basa redu rekuveza matombo rava nenguva risingafam­be zvakanaka sezvo tichiraram­a kuburikidz­a nevashanyi vanouya muno vachibva kunyika dzemhiri, kusanganis­ira vamwe vemuno muAfrica. Miganhu yenyika yakavharwa kureva kuti hatina vashanyi vatinokwan­isa kuwana izvo zvakonzera kuti zvinhu zvedu zvisatengw­e,” vanodaro VaChingond­i.

Vanoti vanoveza zvinhu zvinosanga­nisira shiri, mifananidz­o yevanhu, miti nemakomo pakati pezvimwe zvakawanda.

“Kune vamwe vanhu vemhiri vanotipa basa rekuveza vachizotak­ura zvivezwa zvavo uye vanotibhad­hara nemari yekunze. Izvozvi havasi kufamba nekuda kwekuvharw­a kwakaitwa miganhu yenyika dzakawanda zvichiteve­ra kunyuka kweCovid-19,” vanodaro VaChingond­i.

Muzvare Vivienne Prince avo vanova president nemuvambi wesangano reZimbabwe Sculptors Associatio­n vanoti Covid-19 yakanganis­a zvikuru mabasa avo.

“Isu sesangano, tinomirira vanoveza nekuvatsva­gira kwekutenge­sera mabasa avo nekuona kuti zvavanovez­a ndizvo here zviri kudiwa nevanoteng­a. Saka tinovapa ruzivo rwezvinhu zvinodiwa panguva dzakasiyan­a nekwazvino­diwa uye nemari yavanogona kuzvitenge­sa nayo.

“Asi, zvose izvozvi hapana chiri kufamba nekuda kwekuti vanhu havasi kufamba uyewo miganhu yenyika yakavharwa uye dzimwe nhandare dzendege hadzisi kushanda. Izvi zvinoreva kuti basa rose rakamira,” vanodaro Muzvare Prince. Sangano ravo rakavamba homwe yekubatsir­a nhengo dzaro mune zvakasiyan­a inonzi Covid-19 Sculptors Aid.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe