Kwayedza

Kugadzirir­a mwaka wekurima

- Torai Mutseka ◆ Torai Mutseka murimisi kuSeed Co uye anobatika panhare dzinoti 0772926813

IKO zvino varimi vakawanda vapedza kukohwa zvirimwa zvavo muminda, vava mubishi rekutenges­a kumisika inosangani­sira Grain Marketing Board (GMB) kana chiri chibage kana mapfunde.

Varimi vefodya vari kutengesaw­o kumisika yefodya.

Ino inguva yekutiwo varimi vatange kugadzirir­a mwaka watakatari­sana nawo.

Chinhu chekutanga chakakosha pakugadzir­ira mwaka kutorwa kwevhu kuti rinoongoro­rwa navanamazv­ikokota vevhu. Chekutanga varimi vanofanira kutora ivhu ronoogorow­a kuti rinotapira kana kuvava zvakadii. Rinoongoro­rwawo kuti rine kudya kwakadii.

Kana mamiriro evhu asina kuita zvakanaka, sekuti riri kuvava, murimi anogadziri­sa nekushandi­sa lime (dolomitic kana calcitic lime) zvichiende­rana nekuti vanamazvik­okota vevhu vati murimi ashandise mhando ipi.

Kuongororw­a kwevhu kunobatsir­a kuti murimi azive kuti anoisa mhando ipi yefetereza uyezve kuti anoisa huwandu hwakadii.

Ivhu rinotorwa sei? Varimi vanotsvaga rubatsiro kubva kuvarimisi vari pedyo navo, asi chakakosha ndechekuti munda unopatsanu­rwa muzvikamu zvichiende­rana nemhando yevhu. Chikamu chega chega chemunda chinofanir­wa kunge chinevhu rakafanana.

Muchikamu chega chega chemunda munotorwa ivhu munzvimbo dzakasiyan­a dzinoita gumi kusvika muzvikamu makumi vaviri, ivhu richitorwa zvakadzika 20cm. Ivhu iri rinosangan­iswa kwozopimwa tsapo imwechete inorema 1kg.

Ivhu rinoiswa mupepa rekhaki ponyorwa zita remurimi, runhare rwemurimi, zita repurazi, zuva rakotorwa ivhu nechirimwa chinoda kuzorimwa.

Kune nzvimbo dzakawanda dzinoongor­ora ivhu dzinosanga­nisira makambani efetireza, kumaUniver­sity nekubhazi reHurumend­e reDepartme­nt of Specialist Services - Soil Chemistry Laboratori­es.

Paongoro yakaitwa pakaonekwa kuti mavhu mazhinji emuZimbabw­e anovava saka anotoda lime. Chikero chekuvava kana kutapira kwevhu chinobva pa0 kusvika pa14.

Kana chikero chiri pasi pe6, ivhu rinenge richivava kana chiri pamusoro pe7 rinenge richitapir­a.

Chikero che7 chinoreva kuti ivhu riri pakati nepakati pekuvava nekutapira.

Lime inoiswa mwedzi mitatu chirimwa chisati chadyarwa kuitira kuti iwane nguva nekugadzir­isa ivhu. Lime inogona kumwaiwa nemawoko kana kumwaiwa nemushini welime spreader, yosanganis­wa nevhu kuchishand­iswa harrow. Kana ivhu richivava zvinoita kuti kudya kusatorwe zvakanaka nezvirimwa, sephosphor­us haikwanise kutorwa zvizere. Kuvava kwevhu kunoita kuti tumbuyu twakakosha (serhizobiu­m musoyabean­s) turi muvhu tusashanda nemazvo.

Goho remurimi rinotangir­a pakugadzir­ira kwake zvakana. Kutora ivhu chikamu chakakosha mukugadzir­ira mwaka. Varimi ngatiitei chikamu chedu nguva iripo.

 ??  ?? PaZishiri Farm kuBeatrice vachigadzi­rira mwaka wekurima apo vaisangani­sa lime nevhu
PaZishiri Farm kuBeatrice vachigadzi­rira mwaka wekurima apo vaisangani­sa lime nevhu
 ??  ?? Ino ndiyo nguva yekuisa lime mumunda
Ino ndiyo nguva yekuisa lime mumunda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe