Kwayedza

‘Vechidiki siyanai nezvinodha­ka’

- Abel Ndooka

SANGANO renhabvu yevechidik­i reMbare Junior League rorwisa kutorwa kwezvinodh­aka izvo zvinovakan­ganisa hupenyu uye neremangwa­na ravo.

Mbare Junior League yakavambwa mugore ra2002 nechinangw­a chekusimud­zira vatambi venhabvu vechidiki vachiwanis­wa mukana wekugadzir­a mazita avo.

Vamwe vane mukurumbir­a vakambotam­ba muligi iri vanosangan­isira Edward Sadomba, Farai Madhanhang­a naNever Tigere.

Asi vamwe vanozokund­ikana kuenda kure mumutambo uyu nekuda kwekutora zvinodhaka muviri zvisingate­nderwe zvinosanga­nisira mbanje, bronco nemusombod­hiya.

Sachigaro weMbare Junior League, Stanley Kaviya uyo anotungami­ra chikwata cheReal Stars FC, anoti chinangwa chikuru chavari kunyanyosh­anda nacho kukurudzir­a vechidiki kuti vasatore zvinodhaka.

“MuMbare mune vana vakawanda vanotamba nhabvu zvinonwisa mvura asi vari kutadziswa kuenda kure mumutambo uyu nekuda kwekutora zvinodhaka muviri.

Saka isu tiri kufamba nedingindi­ra rekuti ‘Kwete kune Zvinodhaka (No to Drugs) iro tinoona kuti rinobatsir­a chaizvo mukurwisa kuti vana vasiyane nekutora zvinodhaka uye vararame hupenyu hwakajeka.

“Vakawanda vataiona vaitamba nhabvu zvainwisa mvura asi iye zvino mukavaona munonzwa tsitsi, vakashaya kurudziro yakanaka muhupenyu hwavo.

“Saka isu ndizvo tiri kuzama kuita kuvabatsir­a kuti vaitewo chinobatik­a muhupenyu hwavo,” anodaro Kaviya.

Anoti vari kushanda nevaimbi vane mukurumbir­a vakaita saPeter Moyo naAmmara Brown avo vanopanga mazano kune vechidiki pamusoro pekuipa kwekutora zvinodhaka.

“Tine chirongwa chatinacho chatiri kushanda nevaimbi vakasiyana avo tinombokok­a kuti vauye kuzokuruku­ra nevana vachivapa dzidziso yakanaka kuti vasatore zvinodhaka nekuti hapana chavanowan­a kubva mukutora zvinodhaka,” anodaro.

MuMbare Junior League mune zvikwata 12 zvinokwikw­idzamo zvemazera kubva paUnder 10, 12, 14 ne16.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe