Kwayedza

NDAKATANGA NDAMUNWISA KACHASU

Maponderwo emwana..

- Daniel Nemukuyu ari KWAMUREHWA

MUFUDZI wemombe Tafadzwa Shamba — uyo akasungwa nemhosva yekuponda mwana anonzi Tapiwa Makore (7) kubhuku raMakore, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, ndokucheka-cheka nhengo dzemuviri wake dzinosanga­nisira musoro, makumbo nemawoko — anoti akatanga adhakisa mwana uyu nekachasu asati amuuraya.

Shamba akataura izvi nemusi weChipiri svondo rino apo akaendwa naye nematikiti­vha kunzvimbo kwaanoti ndiko kwaakapari­ra mhosva iyi.

Anoti mushure mekuponda mwana uyu mugomo reko — achibatsir­ana nababamuku­ru vemwana — iye akatakura tsapo yepurasiti­ki nhema yaive nemusoro nemutumbi izvo zvaaive acheka, babamukuru vemushakab­vu uye vanova sazita, Tapiwa Makore (Snr), akatakuraw­o chake chitsapo chaive nemakumbo nemaoko.

Tapiwa Makore (Snr) mukoma wababa vemwana wekupondwa uye akatosungw­a ndokupinda mudare zvekare kutongwa kwemhosva yake yekuponda kuri kuenderera mberi ari mutirongo.

Shamba akatungami­rira matikitivh­a kuenda kubindu kwaakatapa mwana uyu achiti akatumwa kuita izvi naTapiwa Makore (Snr).

Akazoenda nemapurisa aya kumba kwaTapiwa Makore (Snr) uko anoti ainge akavharira mwana uyu uye zuva rorereka akatanga amupa sadza nehove.

Shamba anga ari mufudzi wemombe waTapiwa Makore (Snr).

“Ndakaenda kuimba yekubikira yemapango ndokuunzir­a mukomana uyu sadza nehove dzakaomesw­a. Ndakaenda pamusha paMai Katsande uko ndakanoten­ga marita mashanu edoro rekachasu.

“Ndakanwa doro iri kuitira kuti ndive nechivindi. Ndakariisa shuga ndokunwisa mukomana uyu, iye akanwa kusvikira adhakwa achiti mahewu ndokubva akotsira. Ndakazomuk­iira mumba ndisati ndadzokera kumba kwaMai Katsande kunonwa rimwe doro iye ndasiya ndamuvhari­ra mumba,” anodaro.

Shamba anoti paakange achiri pamusha paKatsande, vamwe vemubhuku maanogara vakataura nezvekusha­ikwa kwemwana uyu asi iye akaramba anyerere. Tapiwa Makore (Snr) akatobatan­a nababa vemushakab­vu uyu, VaMunyarad­zi Makore, kumutsvaga asi vakazorege­dza pave pakati pehusiku vasina kumuwana.

Shamba anoti akazosanga­na naTapiwa Makore (Snr) pakati pehusiku, ndokutakur­a mwana uyu vachienda naye mugomo riri pedyo uko vakanomupo­ndera.

“Pave pakati pehusiku, takavhura gonhi, ini ndikatakur­a mukomana uyu, uyo akange achakabatw­a nehope ndokuenda naye mugomo. Ndini ndainge ndakamuber­eka nejira.

“Tapiwa Makore (Snr) ainge akatakura mapanga nemabhegi epurasitik­i. Tasvika pano (mugomo) ini ndakatsits­irira mukomana uyu pasi, ndokubva ndamucheka musoro nebanga rakapinza, apo babamukuru vake vainge vakavhenek­era nemwenje wetochi.

“Ndakamuche­ka zvakare maoko nemakumbo, asi takaisa nhengo idzi mumabhegi epurasitik­i akasiyana. Ini ndakazotak­ura raive nemutumbi nemusoro zvakachekw­a, apo (Tapiwa) Makore (Snr) akatakura raive nemakumbo nemaoko,” anodaro Shamba achiratidz­a mapurisa ose maitiro avakaita apo ngetani dzainge dzakachena mumaoko ake.

Panzvimbo iyi, matikitivh­a akaona paine tsvina yemunhu inofungidz­irwa kuti yakaitwa nemwana uyu paaipondwa.

Shamba akaudza matikitivh­a kuti akachenesa nzvimbo iyi achibvisa ropa ndokuzoipi­sa senzira yekuparadz­a umbowo.

Anotizve apo aifamba vachidzoke­ra kumba kwababamuk­uru vemwana uyu, akanzwa kuremerwa nezvaainge akatakura zvikaita kuti asiye mutumbi pedyo nemusha waVaSummer Murwira.

“Chitsapo ichi chakange chorema uye imbwa dzaihukura zvakanyany­a. Ndakachimb­idza kudonhedza mutumbi uyu ndokubva ndaenda nemusoro bedzi.”

Anoti paakasvika pamba paTapiwa Makore (Snr), akaudzwa kuti aise musoro uyu mune imwe imba izvo akaita.

Shamba anoti zuva rakatevera akanosiya maoko nemakumbo pedyo nemamwe makuva apo mapurisa akange ave kuferefeta nyaya iyi zvakasimba.

Vagari vemunzvimb­o iyi, avo vaive neshungu yekunzwa mafambiro enyaya iyi, vaiona Shamba achiita kuimba mapariro aakaita mhosva iyi vari nechekure.

 ??  ??
 ??  ?? Shamba achiratidz­a matikitivh­a mapondero aakaita Tapiwa Makore (Jnr) kubhuku raMakore, kwaMurehwa nemusi weChipiri svondo rino. — Mifananidz­o naMemory Mangombe
Shamba achiratidz­a matikitivh­a mapondero aakaita Tapiwa Makore (Jnr) kubhuku raMakore, kwaMurehwa nemusi weChipiri svondo rino. — Mifananidz­o naMemory Mangombe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe