Kwayedza

Chidzambwa ari muchipatar­a

- Abel Ndooka

SHASHA yakambonet­sa ichitamba nhabvu kuchikwata cheDynamos nechikwata chenyika chemaWarri­ors Misheck Chidzambwa iri muchipatar­a parizvino umo iri kutarisira kuvhiiwa bundu (lump) iro inonzi yakaita mudumbu mayo. Misheck ari muchipatar­a cheCity Med kuChitungw­iza umo ari kugara achimirira paachazovh­iiwa nemachirem­ba pazuva risati rave kuzivikanw­a.

Muhurukuro neKwayedza nemusi weMuvhuro uno, Sunday “Mhofu” Chidzambwa, mukoma waMisheck anoti muviri wemunin’ina wake wange usiri kuita zvakanaka asi vanoshuvir­a zvikuru kuti achapora nekuchimbi­dza.

“Misheck akaonekwa nemachirem­ba kuti mudumbu make makamera ‘lump’ saka ari kufanira kuvhiiwa nekuchimbi­dza. Akatovhene­kwa akatoonekw­a kuti irimo saka takangomir­ira kunzwa kuti anozovhiiw­a rinhi,” anodaro Sunday.

Vatsigiri venhabvu vakawanda uye nevamwe vanhu vanoona nezvemutam­bo uyu vange vachitumir­a mashoko ekusimbara­dza Misheck.

Vamwe vari kutora danho rekuti vaunganidz­e mari yekuti arapiswe izvo Sunday anoti zvinofadza kuona hama neshamwari dzichibata­na panguva ino apo Misheck ari kusimbirwa nemuviri wake.

“Ndinotenda zvikuru nekubatana uku, vanhu vachibatan­a nesu panguva ino zvinhu zvakaoma kudai.

“Tinongoshu­vira kuti muviri wake usimbe nekuchimbi­dza uye ndoziva achapora,” anodaro Sunday.

Misheck akaita mukurumbir­a achitambir­a Dynamos FC, Warriors nezvimwe zvikwata zvakasiyan­a.

Misheck kubva paakasende­ka shangu dzake dzenhabvu, akatanga kurairidza mutambo uyu izvo zvakamuona achirairid­za zvikwata zvinosanga­nisira Tanganda, Chapungu United, Sporting Lions, Blue Ribbon uye maWarriors.

Akahwina mukombe weCosafa Cup achirairid­za maWarriors mugore ra2000 apo ainge atsiva Clemence Westerhof uyo waakashand­a naye ari mutevedzer­i wake kwemakore.

 ??  ?? MISHECK Chidzambwa
MISHECK Chidzambwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe